Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 81 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba. namaimbirwo egititi. Pisarema raAsafi.

1. Imbirai Mwari nomufaro iye simba redu; danidzirai kuna Mwari waJakobho!

2. Vambai rwiyo, muridze tambureni, ridzai mbira dzinonakidza nomutengeranwa.

3. Ridzai runyanga rwehwai paKugara kwoMwedzi, uye pakuchena kwomwedzi, pazuva roMutambo wedu;

4. ichi ndicho chirevo chaIsraeri, chakatarwa naMwari waJakobho.

5. Akachisimbisa somutemo wakanyorwa waJosefa panguva yaakandorwa neIjipiti, uko kwatakanzwa mutauro watakanga tisinganzwisisi.

6. Iye akati, “Ndakabvisa mutoro pamapfudzi avo; maoko avo akasunungurwa padengu.

7. Pakutambudzika kwako wakadana ini ndikakununura, ndakakupindura ndiri mugore romutinhiro; ndakakuedza pamvura zhinji yeMeribha. Sera

8. Inzwai, imi vanhu vangu, uye ndichakuyambirai, kana mukada chete kunditeerera, imi Israeri!

9. Pakati penyu ngaparege kuva namwari wavatorwa, musapfugamira mwari wokumwe.

10. Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva munyika yeIjipiti. Shamisa muromo wako kwazvo, ndigouzadza.

11. “Asi vanhu vangu havana kuda kundinzwa, Israeri haana kuda kuzviisa pasi pangu.

12. Saka ndakavaregera paukukutu hwemwoyo yavo, kuti vatevere mano avo.

13. “Kana vanhu vangu vakada kunditeerera, kana Israeri akada kutevera nzira dzangu,

14. ndaikurumidza kukunda sei vavengi vavo nokurova vavengi vavo noruoko rwangu!

15. Vaya vanovenga Jehovha vachatya pamberi pake, uye kurangwa kwavo kuchagara nokusingaperi.

16. Asi imi muchagutswa nezviyo zvakaisvonaka; uye ndichakugutsai nouchi hunobva padombo.”