Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 80 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba nomuimbiro wa “Maruva amahapa esungano.” Pisarema raAsafi.

1. Tinzwei, imi Mufudzi weIsraeri, imi makatungamirira Josefa seboka ramakwai; iyemi munogara pachigaro choushe pakati pamakerubhi, penyai

2. pamberi peEfuremu, Bhenjamini naManase. Mutsai simba renyu; uyai mutiponese.

3. Tidzorei, imi Mwari, penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

4. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, kutsamwa kwenyu kucharamba kuchipisa pamusoro peminyengetero yavanhu venyu kusvikira riniko?

5. Makavapa chingwa chemisodzi kuti vadye; makaita kuti vanwe misodzi yakawanda.

6. Makatiita mavambo enharo kuna vatigere navo, uye vavengi vedu vanotiseka.

7. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.

8. Makabudisa muzambiringa kubva muIjipiti; makadzinga ndudzi mukaudyara.

9. Makaukurira nzvimbo, uye ukava nemidzi ukazadza nyika.

10. Makomo akanga akafukidzwa nomumvuri wawo, nemisidhari mikuru namatavi awo.

11. Wakatandavadza matavi awo kusvikira kuGungwa, namabukira awo kusvikira kuRwizi.

12. Seiko makaputsa masvingo awo kuti vose vanopfuura napo vanonge mazambiringa awo?

13. Nguruve dzinobva musango dzinouparadza, uye zvisikwa zvesango zvinoudya.

14. Dzokerai kwatiri, imi Mwari Wamasimba Ose! Tarirai muri kudenga muone! Rindai muzambiringa uyu,

15. iwo mudzi wakasimwa noruoko rwenyu rworudyi, mwanakomana wamakazvirerera.

16. Muzambiringa wenyu watemerwa pasi, wapiswa nomoto; pakutuka kwenyu, vanhu venyu vanofa.

17. Ruoko rwenyu rworudyi ngarugare pamusoro pomunhu ari kurudyi kwenyu, mwanakomana womunhu wamakazvirerera.

18. Ipapo hatingazobvi kwamuri; timutsiridzei, tigodana kuzita renyu.

19. Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose; penyesai chiso chenyu pamusoro pedu, kuti tiponeswe.