Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

1. Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose; kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

2. Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanotambudzika ngavanzwe vafare.

3. Kudzai Jehovha pamwe chete neni; ngatikudzei zita rake pamwe chete.

4. Ndakachema kuna Jehovha akandipindura; akandisunungura pakutya kwangu kwose.

5. Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

6. Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa; akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

7. Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya, uye anovasunungura.

8. Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka; akaropafadzwa munhu anovanda maari.

9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11. Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,

13. dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

14. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.

15. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16. chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20. anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

22. Jehovha anodzikinura varanda vake; hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.