Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 89 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Masikiri raEtani muErahi.

1. Ndichaimba nezvorudo rukuru rwaJehovha nokusingaperi; ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kumarudzi namarudzi.

2. Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.

3. Imi makati, “Ndakaita sungano nomusanangurwa wangu, ndakapika kuna Dhavhidhi muranda wangu, ndichiti,

4. ‘Ndichasimbisa imba yako nokusingaperi, uye ndichasimbisa chigaro chako choushe kumarudzi namarudzi.’ ” Sera

5. Matenga anorumbidza zvishamiso zvenyu, imi Jehovha, kutendeka kwenyuwo muungano yavatsvene.

6. Nokuti ndianiko kudenga kumusoro angaenzaniswa naJehovha? Ndianiko akaita saJehovha pakati pezvisikwa zvokudenga?

7. Mwari anotyiwa zvikuru paungano yavatsvene; iye anotyisa kwazvo kupfuura vose vakamupoteredza.

8. Haiwa Jehovha Mwari Wamasimba Ose, ndianiko akaita semi? Mune simba, imi Jehovha, uye kutendeka kwenyu kunokupoteredzai.

9. Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa; mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.

10. Makapwanya Rahabhi somumwe wavakaurayiwa; makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.

11. Matenga ndeenyu, nenyika ndeyenyuwo; makavamba nyika nezvose zviri mairi.

12. Ndimi makasika kumusoro nezasi; Tabhori neHerimoni zvinoimbira zita renyu nomufaro.

13. Ruoko rwenyu rwakazara nesimba; chanza chenyu chine simba, ruoko rwenyu rworudyi rwakasimudzwa.

14. Kururama nokururamisira ndidzo nheyo dzechigaro chenyu choushe; rudo nokutendeka zvinokutungamirirai.

15. Vakaropafadzwa avo vakadzidza kukurumbidzai, vanofamba muchiedza pamberi penyu, imi Jehovha.

16. Vanofara muzita renyu zuva rose; vanofara mukururama kwenyu.

17. Nokuti imi ndimi kubwinya nesimba ravo, uye nenyasha dzenyu munosimudzira runyanga rwedu.

18. Zvirokwazvo, nhoo yedu ndeyaJehovha, mambo wedu, iye Mutsvene oga waIsraeri.

19. Ipapo makataura muchiratidzo, mukati, kuvanhu venyu vakatendeka: “Ndakaisa simba pamusoro pemhare; ndakasimudzira jaya pakati pavanhu.

20. Ndakawana Dhavhidhi muranda wangu; ndakamuzodza namafuta matsvene.

21. Ruoko rwangu ruchamutsigira; zvirokwazvo chanza changu chichamusimbisa.

22. Hakuna muvengi achamuripisa mutero; hakuna munhu akaipa achamudzvinyirira.

23. Ndichapwanya vavengi vake pamberi pake, uye ndicharovera pasi vadzivisi vake.

24. Rudo rwangu rwakatendeka ruchava naye, uye runyanga rwake ruchasimudzirwa muzita rangu.

25. Ndichaisa ruoko rwake pamusoro pegungwa, ruoko rwake rworudyi pamusoro penzizi.

26. Iye achadana kwandiri, achiti, ‘Ndimi Baba vangu, Mwari wangu, Dombo noMuponesi wangu.’

27. Ndichamugadzawo kuti ave dangwe rangu, iye anokudzwa zvikuru pamadzimambo enyika.

28. Ndichachengetedza rudo rwangu kwaari nokusingaperi, uye sungano yangu naye haitongoperi.

29. Ndichasimbisa imba yake nokusingaperi, chigaro chake choushe chero matenga achingovapo.

30. “Kana vana vake vakasiya murayiro wangu, uye vakasatevera zvandakatema,

31. kana vakazvidza mitemo yangu, uye vakakoniwa kuchengeta mirayiro yangu,

32. ndicharanga chivi chavo neshamhu, uye kuipa kwavo nokurova kukuru;

33. asi handizobvisi rudo rwangu kwavari, kana kuzombopandukira kutendeka kwangu.

34. Handizozvidzi sungano yangu kana kushandura zvakarehwa nemiromo yangu.

35. Kamwe chete, ndakapika noutsvene hwangu, uye handingarevi nhema kuna Dhavhidhi,

36. kuti imba yake icharamba iripo nokusingaperi uye chigaro chake choushe chichagara pamberi pangu sezuva;

37. chichasimbiswa nokusingaperi somwedzi, chapupu chakatendeka chiri kudenga.” Sera

38. Asi imi makaramba, makavenga, makatsamwira kwazvo muzodziwa wenyu.

39. Makaparadza sungano yomuranda wenyu uye mukasvibisa korona yake muguruva.

40. Makaputsa masvingo ake ose mukaita nhare dzake matongo.

41. Vose vanopfuura napo vanomupamba; ava chiseko chavavakidzani vake.

42. Makasimudzira ruoko rworudyi rwavavengi vake; makaita kuti vavengi vake vose vafare.

43. Makadzosera shure munondo wake unopinza, uye hamuna kumutsigira pakurwa.

44. Makagumisa kubwinya kwake, mukawisira pasi chigaro chake choushe.

45. Makatapudza mazuva oujaya hwake; makamufukidza nejasi renyadzi. Sera

46. Haiwa Jehovha kusvikira riniko? Muchazvivanza nokusingaperi here? Hasha dzenyu dzichapisa somoto kusvikira riniko?

47. Rangarirai kuti upenyu hwangu hunopfuura sei. Nokuti makasikira vanhu vose zvisina maturo!

48. Ko, munhu ndoupi angararama akasaona rufu, kana angazviponesa pasimba reguva? Sera

49. Haiwa Ishe, rudo rwenyu rukuru rwekare ruripiko, irwo rwamakapika nokutendeka kwenyu kuna Dhavhidhi?

50. Rangarirai, Ishe kuti muranda wenyu aisekwa sei, kuti ndaitakura sei muchipfuva changu kutuka kwendudzi dzose,

51. kutuka uko vavengi venyu vaikusekai nako, imi Jehovha, pavaiseka nhambwe imwe neimwe yomuzodziwa wenyu.

52. Jehovha ngaarumbidzwe nokusingaperi! Ameni naAmeni.