1. Haiwa Jehovha, regai kundirayira pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu.
2. Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
3. Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?
4. Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
5. Hakuna anokurangarirai kana afa. Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?
6. Ndaneta nokugomera; ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose, ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
7. Meso angu aneta nokuchema; haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.
8. Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa, nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
9. Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha; Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
10. Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhunduswa; vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.