1. Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, Israeri ngaati,
2. “Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu, asi havana kundikunda.
3. Varimi vakarima musana wangu vakaita miforo yavo mirefu.”
4. Asi Jehovha akarurama; akandisunungura pamabote avakaipa.
5. Dai vose vanovenga Zioni vadzorerwa shure nenyadzi.
6. Dai vaita souswa pamusoro pedenga remba, hunooma husati hwakura;
7. mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo, uye anounganidza haangazadzi maoko ake.
8. Dai vanopfuura napo varega kuti, “Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako; tinokuropafadza muzita raJehovha.”