Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 107 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

BHUKU 5

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi,

3. avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi.

4. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta rwavangagara.

5. Vakanga vava vane nzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara.

6. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo.

7. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara.

8. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira,

9. nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

10. Vamwe vakagara murima nokusviba kwakadzika dzika, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare,

11. nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kwoWokumusorosoro.

12. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira.

13. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

14. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo.

15. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira,

16. nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi.

17. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo.

18. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu.

19. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo.

20. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva.

21. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira.

22. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

23. Vamwe vakafamba rwendo pagungwa nezvikepe; vakanga vari vashambadziri pamvura zhinji.

24. Vakaona mabasa aJehovha, mabasa ake anoshamisa pakadzika.

25. Nokuti akataura uye akamutsa dutu rikasimudza mafungu.

26. Vakaenda kumusoro kumatenga vakaendawo pasi kwakadzika; mukutambudzika kwavo kushinga kwavo kwakanyongodeka.

27. Vakandeya vakadzedzereka savanhu vadhakwa; vakasvika pamagumo amano avo.

28. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavabudisa pakutambura kwavo.

29. Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve; mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.

30. Vakafara parakadzikama, uye akavatungamirira pakadzikama pavaida.

31. Ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakaitira vanhu.

32. Ngavamukudze paungano yavanhu, uye vamurumbidze pagungano ramakurukota.

33. Akashandura nzizi dzikava gwenga, hova dzinoerera dzikava nyika ine nyota,

34. uye nyika yezvibereko ikava gwenga romunyu, nokuda kwezvakaipa zvavaigaramo.

35. Akashandura gwenga rikava madziva emvura, nenyika yakaoma ikava zvitubu zvinoerera;

36. ndipo paakagarisa vane nzara. uye vakavaka guta ravangagara.

37. Vakadyara minda, uye vakasima minda yemizambiringa, ikabereka mukohwo wakanaka;

38. akavaropafadza, uye akavawanza zvikuru, uye haana kutendera zvipfuwo zvavo kuparara.

39. Ipapo vakava vashoma, uye vakaninipiswa vakadzvinyirirwa, nenjodzi uye nokusuwa;

40. iye anodurura kuzvidzwa pamusoro pamakurukota, akaita kuti vadzungaire musango risina nzira.

41. Akasimudza vanoshayiwa kubva mukutambudzika kwavo, uye akawedzera mhuri dzavo samapoka amakwai.

42. Vakarurama vanozviona vagofara, asi vakaipa vose vanodzivirwa miromo yavo.

43. Ani naani akachenjera ngaachengete zvinhu izvi, uye arangarire rudo rukuru rwaJehovha.