1. Ipai kuna Jehovha, imi mune simba ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.
2. Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
3. Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji. Mwari wokubwinya anotinhira, Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.
4. Inzwi raJehovha rine simba; inzwi raJehovha rinokudzwa.
5. Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari, Jehovha anovhunavhuna misidhari yeRebhanoni.
6. Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru, neSirioni senzombe yenyati.
7. Inzwi raJehovha rinorova nokuvaima kwemheni.
8. Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga; Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.
9. Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e. Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”
10. Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura; Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.
11. Jehovha anopa simba kuvanhu vake; Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.