Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi.

1. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?

2. Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.

3. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.

4. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.

5. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.

6. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.

7. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,

8. “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”

9. Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.

10. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

11. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.

12. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.

13. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.

14. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.

15. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.

16. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.

17. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.

18. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.

19. Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.

20. Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.

21. Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.

22. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.

23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

24. Nokuti haana kuzvidza kana kusema chibayiro chaiye akatambudzwa; haana kumuvanzira chiso chake, asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.

25. Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru; ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.

26. Varombo vachadya uye vagoguta; vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza, mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!

27. Migumo yose yenyika icharangarira igodzokera kuna Jehovha, uye mhuri dzendudzi dzose dzichapfugama pamberi pake,

28. nokuti ushe ndohwaJehovha uye anotonga pamusoro pendudzi.

29. Vapfumi vose venyika vachadya uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake, navose vasingagoni kuzviraramisa.

30. Vana vake vachamushumira; marudzi anotevera achaudzwa nezvaIshe.

31. Vachaparidza kururama kwake kuvanhu vasati vaberekwa, nokuti akazviita.