1. Haiwa Jehovha, mwoyo wangu hauzvikudzi, meso angu haana manyawi; handina hanya nezvinhu zvikuru kana zvinhu zvinonyanya kushamisa.
2. Asi ndakadzikamisa uye ndakanyaradza mweya wangu; somwana akarumurwa namai vake, somwana akarumurwa, ndizvo zvakaita mweya wangu mandiri.
3. Haiwa Israeri, isai tariro yenyu pana Jehovha, kubva zvino nokusingaperi.