Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa Kwomwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2. Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3. Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4. Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5. Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.

6. Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7. Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8. Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.

9. Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10. Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11. Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12. Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13. Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14. kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, apo pandichafara muruponeso rwenyu.

15. Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16. Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo.Higayoni Sera

17. Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18. Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19. Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20. Varovei nokutyisa imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera