Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 69 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo a“Maruva eMahapa.” Pisarema raDhavhidhi.

1. Ndiponesei, imi Mwari, nokuti mvura zhinji yakwira kusvikira pamutsipa wangu.

2. Ndinonyura munhope yakadzika, pasina pangatsika makumbo angu. Ndapinda mumvura yakadzika; ndafukidzwa namafashamu.

3. Ndaneta nokuridza mhere yokuti ndibatsirwe; huro dzangu dzaoma, meso angu aneta, nokumirira Mwari wangu.

4. Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.

5. Munoziva upenzi hwangu, imi Mwari; mhaka yangu haina kuvanzika kwamuri.

6. Vaya vane tariro mamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Ishe, Jehovha Wamasimba Ose; vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu, haiwa Mwari waIsraeri.

7. Nokuti ndinotsunga kusekwa hangu nokuda kwenyu, uye nyadzi dzafukidza chiso changu.

8. Ndiri mutorwa kuhama dzangu, nomweni kuvanakomana vamai vangu;

9. nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza, uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.

10. Pandinochema nokutsanya, ndinofanira kushinga pakusekwa;

11. pandinofuka nguo dzamasaga, vanhu vanondiita shumo.

12. Vaya vanogara pasuo vanondiseka, uye ndiri rwiyo rwezvidhakwa.

13. Asi ndinonyengetera kwamuri, imi Mwari, panguva inokufadzai; murudo rwenyu rukuru, imi Mwari, ndipindurei noruponeso rwenyu rwechokwadi.

14. Ndinunurei mumatope, musandirega ndichinyura; ndirwirei kuna vanondivenga, napamvura zhinji yakadzika.

15. Musatendera mvura yamafashamu kuti indifukidze, kana kwakadzika kuti kundimedze kana kuti gomba rizarure muromo waro pamusoro pangu.

16. Ndipindurei, imi Jehovha, zvichibva pakunaka kworudo rwenyu; dzokerai henyu kwandiri nokuda kwetsitsi dzenyu huru.

17. Regai kuvanzira muranda wenyu chiso chenyu; ndipindurei nokukurumidza, nokuti ndava mudambudziko.

18. Swederai pedyo mundinunure; ndidzikinurei nokuda kwavavengi vangu.

19. Munoziva kusekwa kwangu, kunyadziswa nokusakudzwa kwangu; vavengi vangu vose vari pamberi penyu.

20. Kusekwa kwaputsa mwoyo wangu, uye kwandisiya ndisisina chingandibatsira; Ndakatsvaka vangandinzwira ngoni, asi ndakavashaya, vangandinyaradza, asi ndakavashayazve.

21. Vakaisa nduru mune zvokudya zvangu, uye vakandipa vhiniga pandaiva nenyota.

22. Tafura yagadzirwa pamberi pavo ngaive musungo; ngaive shamhu yokuranga neriva.

23. Meso avo ngaapofumadzwe kuti varege kuona, uye misana yavo iminame nokusingaperi.

24. Dururirai hasha dzenyu pamusoro pavo; kutsamwa kwenyu kunotyisa ngakuvakurire.

25. Nzvimbo yavo ngaisiyiwe; ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.

26. Nokuti vanotambudza vaya vamakarova, uye vanotaura pamusoro pokurwadziwa kwavakakuvadzwa nemi.

27. Vapei mhosva pamusoro pemhosva; ngavarege kuva nomugove woruponeso rwenyu.

28. Ngavadzimwe mubhuku roupenyu, uye varege kuverengwa pamwe chete navakarurama.

29. Ndiri pakurwadziwa nenhamo; ruponeso rwenyu imi Mwari, ngarundidzivirire.

30. Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo, uye ndichamukudza nokuvonga.

31. Izvi zvichafadza Jehovha kukunda nzombe, kupfuura hando nenyanga dzayo, namahwanda ayo.

32. Varombo vachazviona uye vachafara, imi vanotsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairarame!

33. Jehovha anonzwa vanoshayiwa uye haashori vanhu vake vakatapwa.

34. Denga nenyika ngazvimurumbidze, makungwa nezvose zvinofamba, imomo,

35. nokuti Mwari achaponesa Zioni agovakazve maguta aJudha. Ipapo vanhu vachagarako, vagoritora;

36. Vana vavaranda vake vacharipiwa senhaka, uye avo vanoda zita rake vachagara ikoko.