Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 118 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.

2. Israeri ngaati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

3. Imba yaAroni ngaiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

4. Avo vanotya Jehovha ngavati, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.”

5. Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha, uye akandipindura nokundisunungura.

6. Jehovha aneni; handingatyi. Munhu angandiiteiko?

7. Jehovha aneni; ndiye mubatsiri wangu. Ndichatarira vavengi vangu nokukunda.

8. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba nomunhu.

9. Zviri nani kutizira kuna Jehovha pano kuvimba namachinda.

10. Ndudzi dzose dzakandikomba, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

11. Vakandikomba pamativi ose, asi ndakavaparadza muzita raJehovha.

12. Vakandimomotera senyuchi, asi vakakurumidza kufa seminzwa inotsva, ndakavaparadza muzita raJehovha.

13. Ndakasundidzirwa shure uye ndikada kuwa, asi Jehovha akandibatsira.

14. Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu; ndiye ava ruponeso rwangu.

15. Kupembera kwomufaro nokukunda kunonzwika mumatende avakarurama kuchiti: “Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!

16. Ruoko rworudyi rwaJehovha rwakasimudzirwa kumusoro; ruoko rworudyi rwaJehovha rwakaita zvinhu zvikuru!”

17. Handingafi asi ndichararama, uye ndichaparidza zvakaitwa naJehovha.

18. Jehovha akandiranga kwazvo, asi haana kundiisa kurufu.

19. Ndizarurireiwo masuo okururama; ndichapinda ndigovonga Jehovha.

20. Iri ndiro suo raJehovha panopinda navakarurama.

21. Ndichakuvongai, nokuti makandipindura; makava ruponeso rwangu.

22. Dombo rakarambwa navavaki ndiro rakazova musoro wekona;

23. Jehovha akaita izvi, uye zvinoshamisa pamberi pedu.

24. Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha; ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

25. Haiwa Jehovha, tiponesei; haiwa Jehovha, tipeiwo kubudirira.

26. Akaropafadzwa uyo anouya muzita raJehovha. Tiri mumba maJehovha tinokuropafadzai.

27. Jehovha ndiye Mwari, uye akaita kuti chiedza chake chivhenekere pamusoro pedu. Namatavi muruoko, pinda mumudungwe ubatane navamwe vari kuenda kunyanga dzearitari.

28. Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai; ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

29. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.