Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 51 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha.

1. Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.

2. Shambidzai zvakaipa zvangu zvose uye mundinatse kubva pachivi changu.

3. Nokuti ndinoziva kudarika kwangu, uye chivi changu chinogara chiri pamberi pangu.

4. Ndakakutadzirai imi, iyemi moga nokuita chinhu chakaipa pamberi penyu, kuti munzi makarurama pamunotaura uye musapomerwa mhosva pakutonga kwenyu.

5. Zvirokwazvo ndakanga ndiri mutadzi pandakaberekwa, ndiri mutadzi kubva pandakaumbwa mudumbu ramai vangu.

6. Zvirokwazvo imi munoda chokwadi pakati pomwoyo; munondidzidzisa uchenjeri panzvimbo yomukatikati.

7. Ndinatsei nehisopi, ipapo ndichachena; ndishambidzei, ipapo ndichachena sechando.

8. Ndiitei kuti ndinzwe mufaro nokufarisisa; itai kuti mapfupa amakapwanya afare.

9. Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.

10. Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.

11. Regai kundirasa pamberi penyu kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.

12. Dzoreraizve kwandiri mufaro woruponeso rwenyu, uye mundipe mweya unoda, kuti undiraramise.

13. Ipapo ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu, uye vatadzi vachatendeukira kwamuri.

14. Ndiponesei pamhosva yeropa, imi Mwari, iyemi Mwari anondiponesa, ipapo rurimi rwangu ruchaimba zvokururama kwenyu.

15. Haiwa Ishe, zarurai miromo yangu, ipapo muromo wangu uchaparidza rumbidzo yenyu.

16. Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa.

17. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.

18. Pamufaro wenyu wakanaka, itai kuti Zioni ribudirire; muvake masvingo eJerusarema.

19. Ipapo pachava nezvibayiro zvakarurama, zvipiriso zvinopiswa zvakazara zvinokufadzai; ipapo hando dzichabayirwa paaritari yenyu.