Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema.

1. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,

2. vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.

3. Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.

4. Ndicharerekera nzeve yangu kuchirevo; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.

5. Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,

6. vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?

7. Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,

8. rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,

9. kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.

10. Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.

11. Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kumarudzi asingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.

12. Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.

13. Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera

14. Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo.

15. Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera

16. Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;

17. nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.

18. Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,

19. achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.

20. Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.