Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 73 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

BHUKU 3

Pisarema raAsafi.

1. Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri, kuna avo vakachena pamwoyo.

2. Asi kana ndirini, tsoka dzangu dzakapotsa dzatsvedza; ndakasara paduku kupunzika.

3. Nokuti ndakaitira shanje vanozvikudza, pandakaona kubudirira kwavakaipa.

4. Havatambudziki; miviri yavo ino utano uye vakasimba.

5. Vakasununguka pamitoro inowanikwa muvanhu; havatambudzwi nezvinotambudza vanhu.

6. Naizvozvo kuzvikudza ndiko ruketani rwemitsipa yavo; vanozvishongedza nechisimba.

7. Mumwoyo yavo makasindimara munobuda chitadzo; mifungo yakaipa yendangariro dzavo haina magumo.

8. Vanoseka, uye vanotaura noutsinye mukuzvikudza kwavo, vanoti vachadzvinyirira vamwe.

9. Miromo yavo inoti denga nderavo, uye ndimi dzavo dzinotora nyika.

10. Naizvozvo vanhu vavo vanodzokera kwavari, uye vanonwa mvura yakawanda.

11. Vanoti, “Mwari angazviziva sei? Ko, Wokumusoro-soro ane ruzivo here?”

12. Ndizvo zvakaita vakaipa, havana hanya nguva dzose, vanowedzera pfuma yavo.

13. Zvirokwazvo ndakanatsa mwoyo wangu, asi pasina; ndakashamba maoko angu ndisina mhosva, asi pasina.

14. Zuva rose ndanga ndichitambudzwa; ndinorangwa mangwanani ose.

15. Dai ndakanga ndati, “Ndichataura zvakadai,” ndingadai ndakapandukira vana venyu.

16. Pandakaedza kunzwisisa izvi zvose, zvakandiremera kwazvo

17. kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari; ipapo ndikazonzwisisa magumo avo.

18. Zvirokwazvo makavaisa munzira inotsvedza; makavakanda pasi kuti vaparare.

19. Haiwa, vanoparadzwa kamwe kamwe, vanopedzwa chose nezvinotyisa!

20. Sezvakaita kurota panopepuka munhu, saizvozvo pamunomuka, imi Ishe, muchavashora savanhu vanorotomoka.

21. Mwoyo wangu pawakachema uye mweya wangu ukashungurudzika,

22. ndakanga ndava benzi uye ndisingazivi; ndakanga ndava mhuka inotyisa pamberi penyu.

23. Kunyange zvakadaro ndinogara nemi nguva dzose; munondibata noruoko rwenyu rworudyi.

24. Munondisesedza nezano renyu, uye pashure muchazonditora mondipinza mukubwinya kwenyu.

25. Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi? Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.

26. Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.

27. Avo vari kure nemi vachaparara; munoparadza vose vasina kutendeka kwamuri.

28. Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari. Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu; ndichataura zvamabasa enyu ose.