1. Dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu, Israeri ngavati,
2. dai Jehovha akanga asiri kurutivi rwedu patakarwiswa navanhu,
3. apo kutsamwa kwavo kwakatimukira, vangadai vakatimedza tiri vapenyu;
4. mafashamu angadai akatifukidza, mvura zhinji ingadai yakatikukura,
5. mvura zhinji ine hasha ingadai yakatirasira kure.
6. Jehovha ngaarumbidzwe, asina kutendera kuti tibvamburwe nameno avo.
7. Tapunyuka seshiri yabva parugombe rwomuteyi; rugombe rwadamburwa uye tapunyuka.
8. Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha, Muiti wedenga nenyika.