1. Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
2. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
3. anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake.
4. Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5. Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
6. Zvirokwazvo unyoro hwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.