Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 103 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Pisarema raDhavhidhi.

1. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.

2. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake,

3. iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,

4. anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,

5. anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.

6. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.

7. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:

8. Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

9. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;

10. haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12. sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

14. nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.

15. Kana ari munhu zvake, mazuva ake akaita souswa, anokura seruva resango;

16. mhepo inorova napamusoro paro onei raenda, uye nzvimbo yaranga riri haicharirangaririzve.

17. Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi, rudo rwaJehovha rwuri pana avo vanomutya, nokururama kwake kuvana vavana vavo,

18. naavo vanochengeta sungano yake uye vanorangarira zvaakatema.

19. Jehovha akasimbisa chigaro chake choushe kudenga, uye ushe hwake hunotonga zvinhu zvose.

20. Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake, nemi vane simba vanoita zvaakarayira, vanoteerera shoko rake.

21. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzose dzokudenga, imi varanda vake vanoita kuda kwake.

22. Rumbidzai Jehovha, imi mabasa ake ose kwose kwose kuno umambo hwake. Rumbidza Jehovha, mweya wangu.