Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumutungamiri wokuimba kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

1. Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”

2. Asi pandakanga ndinyerere uye ndakadzikama, ndisingatauri kana chakanaka zvacho, kurwadziwa kwangu kwakawedzerwa.

3. Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu, uye pandakafungisisa, moto ukapisa; ipapo ndakataura norurimi rwangu ndikati:

4. “Ndiratidzei, imi Jehovha, magumo oupenyu hwangu nokuwanda kwamazuva angu; ndizivisei kupfuura kwoupenyu hwangu.

5. Makaita mazuva angu soupamhi hwechanza changu; kuwanda kwamakore angu kwakaita sechinhu chisipo pamberi penyu. Upenyu hwomunhu mumwe nomumwe mweya bedzi.

6. Munhu anongori mumvuri zvaanofamba-famba hake: anofamba nomufaro mukuru, asi zvinongova pasina; anounganidza pfuma, asingazivi achazoitora.

7. “Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

8. Ndiponesei pakudarika kwangu kwose; regai kundiita chiseko chamapenzi.

9. Ndakanga ndinyerere; handina kushamisa muromo wangu, nokuti ndimi makaita izvi.

10. Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ndakundwa nokurova kworuoko rwenyu.

11. Munorayira uye munoranga vanhu nokuda kwezvivi zvavo, munoparadza pfuma yavo sechipfukuto, munhu mumwe nomumwe mweya zvawo. Sera

12. “Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha, rerekerai nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro; regai kuva matsi pakuchema kwangu. Nokuti ndigere nemi somutorwa, somweni, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.

13. Ringirai kure neni, kuti ndimbofarazve ndisati ndabva uye ndisisipo.”