1. Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.
2. Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.
3. Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari. Sera
4. Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.
5. Zvakaipa ngazvimonere pana avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.
6. Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.
7. Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.