Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 132 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Rwiyo rworwendo.

1. Haiwa Jehovha, rangarirai Dhavhidhi namatambudziko ake ose aakakunda.

2. Akapika mhiko kuna Jehovha, akaita mhiko kuna Wamasimba waJakobho achiti,

3. “Handingapindi mumba mangu kana kuenda kundovata pamubhedha wangu,

4. handingatenderi hope mumaziso angu, kana kutsumwaira mumeso angu,

5. kusvikira ndawana nzvimbo yaJehovha, nzvimbo yokugara yoWamasimba waJakobho.”

6. Takazvinzwa muEfurata, takasangana nazvo muminda yeJaari tikati,

7. “Ngatiendei kunzvimbo yake yokugara; ngatinamatei pachitsiko chetsoka dzake,

8. haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.

9. Vaprista venyu dai vafukidzwa nokururama; dai vatsvene venyu vaimba nomufaro.”

10. Nokuda kwaDhavhidhi muranda wenyu, musaramba muzodziwa wenyu.

11. Jehovha akapika mhiko kuna Dhavhidhi, mhiko yechokwadi yaasingagoni kushandura achiti, “Mumwe wechizvarwa chako ndichamugadza pachigaro chako choushe,

12. kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu nezvandakatema zvandakavadzidzisa, ipapo vanakomana vavo vachagara pachigaro chako choushe nokusingaperi-peri.”

13. Nokuti Jehovha akasarudza Zioni, akarida kuti huve ugaro hwake achiti,

14. “Iyi ndiyo nzvimbo yangu yokuzorora nokusingaperi-peri; ipapa ndipo pandichagara samambo, nokuti ndakapada,

15. ndichariropafadza nezvakawanda; ndichagutsa varombo varo nezvokudya.

16. Ndichafukidza vaprista varo noruponeso, uye vatsvene varo vachagara vachiimba nomufaro.

17. “Pano ndipo pandichameresa nyanga yaDhavhidhi, uye ndichatungidza mwenje womuzodziwa wangu.

18. Ndichafukidza vavengi vake nenyadzi, asi korona yake ichabwinya kwazvo.”