Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42
  43. 43
  44. 44
  45. 45
  46. 46
  47. 47
  48. 48
  49. 49
  50. 50
  51. 51
  52. 52
  53. 53
  54. 54
  55. 55
  56. 56
  57. 57
  58. 58
  59. 59
  60. 60
  61. 61
  62. 62
  63. 63
  64. 64
  65. 65
  66. 66
  67. 67
  68. 68
  69. 69
  70. 70
  71. 71
  72. 72
  73. 73
  74. 74
  75. 75
  76. 76
  77. 77
  78. 78
  79. 79
  80. 80
  81. 81
  82. 82
  83. 83
  84. 84
  85. 85
  86. 86
  87. 87
  88. 88
  89. 89
  90. 90
  91. 91
  92. 92
  93. 93
  94. 94
  95. 95
  96. 96
  97. 97
  98. 98
  99. 99
  100. 100
  101. 101
  102. 102
  103. 103
  104. 104
  105. 105
  106. 106
  107. 107
  108. 108
  109. 109
  110. 110
  111. 111
  112. 112
  113. 113
  114. 114
  115. 115
  116. 116
  117. 117
  118. 118
  119. 119
  120. 120
  121. 121
  122. 122
  123. 123
  124. 124
  125. 125
  126. 126
  127. 127
  128. 128
  129. 129
  130. 130
  131. 131
  132. 132
  133. 133
  134. 134
  135. 135
  136. 136
  137. 137
  138. 138
  139. 139
  140. 140
  141. 141
  142. 142
  143. 143
  144. 144
  145. 145
  146. 146
  147. 147
  148. 148
  149. 149
  150. 150

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Mapisarema 106 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidzai Jehovha. Vongai Jehovha, nokuti akanaka; nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.

2. Ndianiko angaparidza mabasa aJehovha esimba, kana kureva kurumbidzwa kwake kwose?

3. Vakaropafadzwa vanochengeta kururamisira, vanogara vachiita zvakarurama.

4. Ndirangarirei, imi Jehovha, pamunoratidza nyasha kuvanhu venyu, pamunovaponesa, mundibatsirewo,

5. kuti ndifadzwe nokubudirira kwavasanangurwa venyu, kuti ndigovane pamufaro wavanhu venyu, uye ndibatane nenhaka yenyu pakurumbidza.

6. Takatadza, sezvakaita madzibaba edu; takaita zvakaipa uye takaita mabasa akaipa.

7. Madzibaba edu paakanga ari muIjipiti, havana kumbofunga nezvezvishamiso zvenyu; havana kurangarira tsitsi dzenyu zhinji, asi vakakumukirai pagungwa, iro Gungwa Dzvuku.

8. Kunyange zvakadaro akavaponesa nokuda kwezita rake, kuti simba rake guru rizivikanwe.

9. Akarayira Gungwa Dzvuku iro rikapwa; uye akavafambisa napakadzika sevanopfuura nomugwenga.

10. Akavaponesa kubva muruoko rwomuvengi; akavadzikinura kubva muruoko rwomuvengi.

11. Mvura zhinji yakafukidza vadzivisi vavo; hakuna mumwe wavo akapona.

12. Ipapo vakatenda vimbiso dzake vakaimba vachimurumbidza.

13. Asi vakakurumidza kukanganwa zvaakanga aita, uye vakasamirira kurayira kwake.

14. Havana kuzvidzora pakukara kwavo mugwenga; vakaedza Mwari murenje.

15. Saka akavapa zvavakakumbira, asi akatuma mweya wokuonda pamusoro pavo.

16. Vakaitira Mozisi godo mumusasa, naAroni, akanga akatsaurirwa kuna Jehovha.

17. Nyika yakazaruka ikamedza Dhatani; ikaviga boka raAbhiramu.

18. Moto wakapfuta pakati pavateveri vavo; murazvo ukaparadza vakaipa.

19. Vakaumba mhuru paHorebhi, vakanamata chifananidzo chakaumbwa.

20. Vakatsinhanhisa kubwinya kwavo nomufananidzo wehando, inodya uswa.

21. Vakakanganwa Mwari akavaponesa, uyo akanga aita zvinhu zvikuru muIjipiti,

22. mabasa anoshamisa munyika yaHamu namabasa anotyisa paGungwa Dzvuku.

23. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.

24. Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.

25. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.

26. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,

27. achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.

28. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.

29. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.

30. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.

31. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.

32. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;

33. nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.

34. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,

35. asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.

36. Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.

37. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.

38. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.

39. Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.

40. Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.

41. Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.

42. Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.

43. Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.

44. Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;

45. akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.

46. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa.

47. Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.

48. Jehovha ngaarumbidzwe, iye Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Vanhu vose ngavati, “Ameni!” Rumbidzai Jehovha.