1. Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha, vanofamba munzira dzake.
2. Uchadya chibereko chokushanda kwako; maropafadzo nokubudirira zvichava zvako.
3. Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.
4. Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.
5. Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona henyu kubudirira kweJerusarema,
6. uye mararama kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.