Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Iwe unoziva nguva inobereka ngururu here? Unocherechedza kana nondo dzichibereka vana vadzo here?

2. Unoverenga mwedzi kusvikira dzabereka here? Unoziva nguva yadzinobereka here?

3. Dzinotsivama pasi dzogobereka vana vadzo; kurwadziwa kwadzo kwapera.

4. Vana vadzo vanowanda vagokura vakasimba musango; vanoenda uye havadzokizve.

5. “Ndianiko akaregedza mbizi ichienda? Ndianiko akasunungura tambo dzayo?

6. Ndakaipa renje kuti uve musha wayo, nyika yomunyu sougaro hwayo.

7. Inoseka bope riri muguta; hainzwi kudaidzira kwomuchairi.

8. Inoita zvikomo mafuro ayo uye inotsvaka zvinhu zvose zvinenge zviri zvinyoro.

9. “Ko, nyati ingatenda kukushandira here? Ko, ichagara mudanga rako usiku here?

10. Ko, ungagona kuifambisa mumafaro namahanisi here? Ko, ingarima makoronga mushure mako here?

11. Ungavimba nesimba rayo guru here? Ko, ungaisiyira basa rako rinorema here?

12. Ungavimba nayo kuti ikuvigire zviyo zvako uye igozviunganidza paburiro rako here?

13. “Mapapiro emhou anobhururuka nomufaro mukuru, asi haangazvienzanisi namapapiro uye neminhenga yedambira murove.

14. Inokandira mazai ayo muvhu ndokuarega achidziyirwa mujecha,

15. isina hanya kuti rutsoka rungaapwanya, kuti mhuka dzesango dzingaatsika.

16. Inobata vana vayo noukasha, kunge vasati vari vayo; haina hanya kuti yakatambudzika pasina,

17. nokuti Mwari haana kuisa njere mairi kana kuipa mugove wepfungwa dzakanaka.

18. Asi kana ikatambanudza mapapiro ayo kuti imhanye, inoseka bhiza nomutasvi varo.

19. “Iwe unopa bhiza simba raro kana kushongedza mutsipa waro nezenze rinopepereka here?

20. Ndiwe unoita kuti rikwakuke semhashu, richivhundutsira nokupfeza, kwokuzvikudza kwaro here?

21. Rinoteta risingatyi, richifarira simba raro, rigobuda richienda kundorwa.

22. Rinoseka kutya, harina charinotya; haritizi munondo.

23. Gaba rinorira naparutivi paro, pamwe chete nepfumo rinovaima uye bakatwa.

24. Neshungu rinodya ivhu; harigoni kumira rakadzikama kana richinzwa kurira kwehwamanda.

25. Pakurira kwehwamanda rinopfeza, roti, ‘Hekani!’ Iro rinofembedza hwema hwehondo ichiri kure, kudanidzira kwavakuru vehondo uye mheremhere yehondo.

26. “Ko, rukodzi runobhururuka nouchenjeri hwako here parunotambanudza mapapiro arwo rwakananga zasi?

27. Ko, gondo rinobhururuka nokuda kwokurayira kwako here richindovaka dendere raro pakakwirira?

28. Rinogara pamawere uye rinovatapo usiku; shongwe yedombo ndiyo nhare yaro.

29. Riri ipapo rinotsvaka zvokudya zvaro; meso aro anozviona zvichiri kure.

30. Vana varo vanodya ropa, uye pane chakaurayiwa ndipo pariri.”