Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:

2. “Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira, iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,

3. sezvo ndichine upenyu mandiri, iko kufema kwaMwari mumhino dzangu,

4. miromo yangu haingatauri zvakashata, uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.

5. Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

6. Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi; hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.

7. “Vavengi vangu ngavaite savakaipa, navadzivisi vangu savasakarurama!

8. Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?

9. Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake paanowirwa nenhamo here?

10. Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here? Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?

11. “Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari; nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.

12. Imi mose makazviona izvi pachenyu. Zvino munotaurireiko zvisina maturo?

13. “Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari, iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.

14. Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo; vazukuru vake havazombowani zvokudya zvinovaringana.

15. Denda richaviga vaya vanenge vasara, uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.

16. Kunyange akaunganidza sirivha seguruva, uye zvokufuka zvikaita somurwi wevhu,

17. zvaanowana zvichafukwa navakarurama, uye vasina mhaka vachigovana sirivha yake.

18. Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto, sechirindo chakaitwa nomurindi.

19. Anovata pasi akapfuma, asi haachazvipamhizve; paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.

20. Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu; dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.

21. Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, zvino aenda hake. Inomukukura kubva panzvimbo yake.

22. Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni, paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.

23. Inomuomberera maoko ichimuseka, ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.