Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Bhiridhadhi

1. Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

2. “Muchapedza kutaura uku riiniko? Chimbofungai, ipapo tigotaurirana hedu.

3. Tinotorerweiko semombe nokurangarirwa samapenzi pamberi penyu?

4. Iyemi munozvibvamburanya mukutsamwa kwenyu, ko, nyika ingasiyiwa nokuda kwenyu here? Kana matombo angafanira kubviswa panzvimbo yawo here?

5. “Mwenje wavakaipa unodzimwa; murazvo womoto wake unopera kupisa.

6. Chiedza chiri mutende rake chinova rima; mwenje uri parutivi rwake unodzima.

7. Simba renhambwe dzake rinorukutika; mano ake pachake anomuwisira pasi.

8. Tsoka dzake dzinomuwisira mumumbure, uye anodzungaira ari mumaburi awo.

9. Musungo unomubata chitsitsinho; rugombe runomubatisisa.

10. Chishwe chakavanzwa muvhu nokuda kwake; musungo wakaradzikwa munzira yake.

11. Kutyisa kunomuvhundutsa kumativi ose, uye kunomuteverera panhambwe dzake dzose.

12. Pfumvu inomudokwairira; njodzi yakamugaririra paanowa.

13. Inodya zvikamu zveganda rake; dangwe rorufu rinopedza mitezo yake.

14. Anodzurwa kubva patende raanovimba naro agoendeswa kuna mambo anotyisa.

15. Moto unogara mutende rake; safuri inopisa inoparadzirwa pamusoro pougaro hwake.

16. Moto unogara mutende rake; uye matavi ake anosvava kumusoro.

17. Kurangarirwa kwake kunopera panyika; haana zita munyika.

18. Anobviswa pachiedza achiendeswa murima, uye anodzingwa panyika.

19. Haana mwana kana chizvarwa chinotevera pakati pavanhu vokwake, hakuna akasara kwaaimbogara.

20. Vanhu vokumavirira vakakatyamara namagumo ake; vanhu vokumabvazuva vakabatwa nokutya.

21. Zvirokwazvo, ndizvo zvakaita ugaro hwomunhu akaipa; iyoyi ndiyo nzvimbo yomunhu asingazivi Mwari.”