Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jobho anotaura

1. Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake.

2. Akati:

3. “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’

4. Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.

5. Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza charo.

6. Usiku uhwo rima guru ngaribate; ngahurege kuverengwa pakati pamazuva egore kana kunyorwa pamwedzi ipi zvayo.

7. Usiku uhwo ngahushaye zvibereko; ngaparege kunzwika kupembera kwomufaro mahuri.

8. Vanotuka mazuva ngavatuke zuva iro, vaya vakagadzirira kumutsa Chikara Chikuru cheGungwa.

9. Nyeredzi dzahwo dzamangwanani ngadzisvibe; ngahumirire chiedza chamasikati pasina uye ngahurege kuona hwerazuva hwamambakwedza;

10. nokuti hahuna kundipfigira mikova yechizvaro kuti huvanze dambudziko pamberi pangu.

11. “Ko, ndakaregererei kufa pakuberekwa kwangu, nokufa pandaibuda mudumbu?

12. Mabvi akavapo seiko kuti andigamuchire namazamu kuti ndinwe?

13. Nokuti zvino ndingadai ndakavata murugare; ndingadai ndivete uye ndakazorora

14. namadzimambo namakurukota enyika, vakazvivakira nzvimbo dzava matongo zvino,

15. navatongi vakanga vane goridhe, vakazadza dzimba dzavo nesirivha.

16. Kana kuti sei ndisina kuvigwa muvhu somwana asina kusvika, somucheche asina kumboona chiedza chezuva?

17. Ikoko vakaipa vanorega kutambudza, uye ikoko vakaneta vakazorora.

18. Nhapwa dzinofariravo rugare rwadzo; havachanzwizve kudanidzira kwomutyairi wenhapwa.

19. Vaduku navakuru variko, uye nhapwa yakasunungurwa kubva pana tenzi wayo.

20. “Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,

21. kuna vaya vanoshuva kufa irwo rusingauyi, vanorutsvaka kupfuura pfuma yakavanzika,

22. vazere nomufaro uye vanofara pavanosvika muguva?

23. Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?

24. Nokuti mafemo anosvika kwandiri pachinzvimbo chezvokudya, kugomera kwangu kunodururwa semvura.

25. Zvandaitya zvakandivinga; zvandaizeza zvaitika kwandiri.

26. Handina rugare, handina runyararo; handina zororo, asi nhamo chete.”