Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo Erihu akati:

2. “Inzwai mashoko angu, imi vanhu vakachenjera; nditeererei, imi vanhu vedzidzo.

3. Nokuti nzeve inoedza mazwi sokuravira kunoita rurimi chokudya.

4. Ngatinzverei pachedu kuti chakarurama ndechipi; ngatidzidzei pamwe chete kuti chakanaka ndechipi.

5. “Jobho anoti, ‘Handina mhosva, asi Mwari anoramba kundiruramisira.

6. Kunyange ndakarurama, ndinonzi ndiri murevi wenhema; kunyange ndisina mhaka, miseve yake inobaya ronda risingarapiki.’

7. Ndianiko munhu akaita saJobho, anonwa kushorwa semvura?

8. Anofambidzana navanoita zvakaipa; anowirirana navanhu vakaipa.

9. Nokuti anoti, ‘Munhu haana chaanobatsirwa nacho, paanoedza kufadza Mwari.’

10. “Saka nditeererei, imi vanhu vokunzwisisa. Mwari haangatongoiti zvakaipa, Wamasimba Ose haangatongokanganisi.

11. Iye anoripira munhu pane zvaanenge aita; anomupisa pamusoro pake zvakakodzera mafambiro ake.

12. Hazvingatongogoni kuti Mwari angaita zvakaipa, kuti Wamasimba Ose angaminamisa kururamisira.

13. Ndianiko akamugadza pamusoro penyika? Ndianiko akamuita mutariri wepasi pose?

14. Kana kwaiva kufunga kwake, uye akatora mweya wake nokufema kwake,

15. marudzi ose avanhu aiparara pamwe chete, uye munhu aizodzokerazve kuguruva.

16. “Kana uchinzwisisa teerera izvi; chinzwa zvandinoreva.

17. Ko, munhu anovenga kururamisira angatonga here? Ko, muchapomera akarurama uye ane simba here?

18. Ko, haazi iye oga anoti kumadzimambo, ‘Hamubatsiri imi,’ uye kumakurukota, ‘Makaipa imi,’

19. asingaitiri machinda zvakanaka nokuti machinda, uye asingaitiri zvakanaka vapfumi kupfuura varombo, nokuti vose ibasa ramaoko ake.

20. Vanofa kamwe kamwe, pakati pousiku; vanhu vanovhundutswa vagoparara; vane simba vanobviswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.

21. “Meso ake ari panzira dzavanhu; anoona nhambwe imwe neimwe yavo.

22. Hakuna nzvimbo ine rima, hakuna mumvuri worufu, pangavanda vaiti vezvakaipa.

23. Mwari haanei nezvokuedzazve vanhu, kuti vauye vamire pamberi pake vagotongwa.

24. Anoparadza vane simba asina kumbobvunza, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25. Nokuti anocherechedza mabasa avo, anovabvisa usiku ivo ndokupwanyika.

26. Anovaranga nokuda kwokuipa kwavo, pavanoonekwa nomunhu wose,

27. nokuti vakatsauka pakumutevera uye havana kuva nehanya kana neimwe yenzira dzake.

28. Vakakonzera kuchema kwavarombo kuti kusvike pamberi pake, saka akanzwa kuchema kwavanoshayiwa.

29. Asi kana akaramba anyerere ndiani angamupa mhosva? Kana akavanza chiso chake, ndianiko angamuona? Zvakadaro iye ari pamusoro pazvose, munhu nendudzi,

30. kuti abvise munhu asina Mwari pakutonga, kuti asaisira vanhu misungo.

31. “Ngatiti munhu oti kuna Mwari, ‘Ndine mhaka asi handichatadzizve.

32. Ndidzidzisei zvandisingagoni kuona; kana ndakaita zvakaipa, handichazviitizve.’

33. Ko, Mwari angafanira kukupa mubayiro sezvaunoda iwe here, zvaunoramba kutendeuka? Unofanira kusarudza iwe, kwete ini; saka nditaurire zvaunoziva.

34. “Imi vanhu vokunzwisisa taurai, vanhu vakachenjera munondinzwa muti kwandiri,

35. ‘Jobho anotaura asina zivo; mashoko ake haana uchenjeri.’

36. Haiwa, dai Jobho aedzwa kusvikira pakupedzisira, nokuti anopindura somunhu akaipa!

37. Pachivi chake anowedzera kumukira; anouchira maoko ake pakati pedu sezvisina basa, uye anowedzera mashoko ake okurwa naMwari.’