Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jobho

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!

3. Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?

4. Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu.

5. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.

6. “Asi kana ndikatura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikataura, iko hakubvi.

7. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.

8. Makandisunga ini, uye zvava chapupu; kuonda kunondimukira uye kunondipupurira zvakaipa.

9. Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.

10. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.

11. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.

12. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;

13. vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.

14. Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi.

15. “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva.

16. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;

17. asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.

18. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!

19. Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.

20. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;

21. anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.

22. “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.