1. Ipapo Jobho akapindura akati:
2. “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!
3. Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
4. Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri panzvimbo yangu; Ndaigona kutaura mashoko okukupikisai nokukudzungudzirai musoro wangu.
5. Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
6. “Asi kana ndikatura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikataura, iko hakubvi.
7. Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.
8. Makandisunga ini, uye zvava chapupu; kuonda kunondimukira uye kunondipupurira zvakaipa.
9. Mwari anondirova nokundibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
10. Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
11. Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
12. Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
13. vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
14. Nguva nenguva anondirwisa; anomhanyira kwandiri somurwi.
15. “Ndasonera ganda rangu nguo dzamasaga, uye ndaviga huma yangu muguruva.
16. Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
17. asi zvazvo maoko angu haadi kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
18. “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
19. Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
20. Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
21. anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
22. “Makore mashoma bedzi achapfuura, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.