Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jobho

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Mucharamba muchinditambudza nokundipwanya namashoko kusvikira riiniko?

3. Zvino kava kagumi kose muchingonditsoropodza; munondirwisa musina nenyadzi dzose.

4. Kana chiri chokwadi kuti ndakatsauka, kukanganisa kwangu kuchagara neni ndoga.

5. Kana zvechokwadi mungada henyu kuzvikudza pamusoro pangu mukashandisa kuripiswa kuri pamusoro pangu,

6. zvino muzive imi kuti Mwari akandikanganisira uye akakundikomberedza nomumbure wake.

7. “Kunyange ndikachema ndichiti, ‘Ndakakanganisirwa we-e!’ handiwani mhinduro; kunyange ndikadanidzira kuti ndibatsirwe, kururamisirwa hakupo.

8. Akadzivira nzira yangu kuti ndikonewe kupfuura; akaisa rima munzira dzangu.

9. Akandibvisira kukudzwa kwangu, uye akabvisa korona mumusoro mangu.

10. Anondibvamburanya kumativi ose kusvikira ndapera; anodzura tariro yangu kunge muti,

11. Kutsamwa kwake kunopfuta pamusoro pangu; anondiverenga pakati pavavengi vake.

12. Mauto ake anouya nesimba; anovaka muchinjiziri wokurwa neni, anokomba tende rangu.

13. “Akaisa hama dzangu kure neni; vazikani vangu vakaparadzaniswa neni zvachose.

14. Hama dzangu dzepedyo dzakaenda kure neni; shamwari dzangu dzandikanganwa.

15. Vaenzi vangu navarandakadzi vangu vava kundiita mubvakure; vanondiona somutorwa.

16. Ndinodana muranda wangu, asi haapinduri, kunyange ndikamunyengetedza nomuromo wangu chaiwo.

17. Kufema kwangu kunonyangadza kumukadzi wangu; ndinosemesa kuhama dzangu chaidzo.

18. Kunyange nezvikomana zviduku zvinondiseka; pandinosvika vanondituka.

19. Shamwari dzangu dzepedyo dzinondisema; vaya vandinoda vandishandukira.

20. Handisati ndichiri chinhu asi ndangova hangu ganda; ndangopunyuka namatadza amazino angu chete.

21. “Ndinzwirei urombo, shamwari dzangu, ndinzwirei urombo nokuti ruoko rwaMwari rwandirova.

22. Munonditeverereiko sezvinoita Mwari? Ko, hamungaguti nenyama yangu here?

23. “Haiwa, dai mashoko angu ainyorwa hawo, dai ainyorwa hawo pabhuku,

24. dai ainyorwa nechinyoreso chesimbi pamutobvu, kana ainyorwa padombo nokusingaperi!

25. Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu, uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

26. Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

27. ini pachangu ndichamuona nameso angu pachangu, iyeni kwete mumwe. Haiwa mwoyo wangu unopanga sei mukati mangu!

28. “Kana muchiti, ‘Haiwa tichamutambudza sei, sezvo mudzi wenhamo uri maari,’

29. munofanira kutya munondo imi pachenyu, nokuti hasha dzichauyisa kurangwa nomunondo, ipapo muchaziva kuti pano kutongwa.”