Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jobho

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Kunyange nanhasi ndonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.

3. Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!

4. Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.

5. Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.

6. Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.

7. Ipapo munhu akarurama aigona kuzotura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.

8. “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.

9. Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.

10. Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo;

11. tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.

12. Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakachengetedza mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.

13. “Asi iye anomira ega, uye ndiani angapikisana naye? Iye anoita zvaanoda.

14. Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.

15. Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.

16. Mwari akaita kuti mwoyo wangu uziye; Wamasimba Ose akandivhundutsa.

17. Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, rima guru rakafukidza chiso changu.