Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha akati kuna Jobho:

2. “Ko, munhu anokakavadzana naWamasimba Ose angamurayira here? Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”

3. Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:

4. “Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko? Ndafumbira muromo wangu.

5. Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro, kaviri, asi handichapamhidzizve.”

6. Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7. “Chizvisunga somurume; ini ndichakubvunza, uye iwe uchandipindura.

8. ‘Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here? Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?

9. Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here, uye inzwi rako ringatinhira serake here?

10. Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya, uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.

11. Bvisa ukasha hwehasha dzako, utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,

12. tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa, pwanya vakaipa ipapo pavamire.

13. Uvavige vose pamwe chete muguruva; usunge zviso zvavo muguva.

14. Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15. “Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe uye inofura uswa senzombe.

16. Simba rainaro muchiuno chayo, kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.

17. Muswe wayo unotsvikidza somusidhari; marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.

18. Mapfupa ayo ipombi dzendarira, miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.

19. Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari, asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.

20. Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo, uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.

21. Inovata pasi pemiti yemirotasi yakavanda pakati petsanga munhope.

22. Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo; mikonachando iri mijinga morukova inoipoteredza.

23. Panozara rwizi, iyo haivhunduki; inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.

24. Pano munhu angagona kuibata neziso, kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?