Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Asi zvino vanondiseka, varume vaduku kwandiri, madzibaba avo ndaiashora zvokuti handaivaisa pakati pembwa dzinofudza makwai angu.

2. Ko, simba ramaoko avo rakanga rine basa rei kwandiri, sezvo simba ravo rakanga rapera?

3. Vaiponda nokuda kwokushayiwa uye nenzara, vakadzivaira usiku munyika yakaoma mumatongo nomunyika yakaparara.

4. Vakaunganidza miriwo inovava kubva mumakwenzi, uye zvokudya zvavo zvakanga zviri mudzi womuti womurara.

5. Vakabviswa pakati pavanhu vokwavo, vachitukwa kunge vakanga vari mbavha.

6. Vakamanikidzwa kuti vagare mukati mehova dzakaoma, pakati pamatombo nomumakomba, muvhu.

7. Vakarira pakati pamakwenzi, uye vakamanikidzana pasi porukato.

8. Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.

9. “Uye zvino vanakomana vavo vanondiseka munziyo; ndava shumo pakati pavo.

10. Vanondisema uye vanomira kure neni; havazezi kundipfira kumeso.

11. Sezvo zvino Mwari akatsudunura uta hwangu uye akanditambudza, havazvidzori pamberi pangu.

12. Kurudyi rwangu rudzi runondirwisa; vanoisira makumbo angu misungo, vanovaka michinjiziri yokurwa neni.

13. Vanoparadza mugwagwa wangu; vanobudirira pakundiparadza, pasina munhu anovabatsira.

14. Vanofamba zvavo kunge vanopinda napakakoromoka; pakati pamatongo vanongopinda zvavo.

15. Zvinotyisa zvinondibata; kukudzwa kwangu kwabviswa sokunge nemhepo, kuchengetedzeka kwangu kwapera segore.

16. “Uye zvino upenyu hwangu hwava kure kure; mazuva okutambudzika anondibata.

17. Usiku hunobaya mapfupa angu; kurwadza kwokurumwa kwangu hakuzorori.

18. Nesimba rake guru Mwari anobva afanana nechipfeko kwandiri; anondisunga somutsipa wenguo yangu.

19. Anondikanda mumatope, uye ndava seguruva namadota.

20. “Ndinochema kwamuri, imi Mwari, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa zvenyu.

21. Munondishandukira noutsinye; munondirova nesimba roruoko rwenyu.

22. Munondibvuta mondidzingira pamberi pemhepo; munonditenderedza mudutu.

23. Ndinoziva kuti muchandiburutsa muchindiendesa kurufu, kunzvimbo yakatsaurirwa vapenyu vose.

24. “Zvirokwazvo, hakuna munhu anobata munhu ari kushushikana paanochemera rubatsiro pakutambudzika kwake.

25. Ko, handina kuchema avo vaitambura here? Ko, mweya wangu hauna kuva neshungu pamusoro pavarombo here?

26. Kunyange zvakadaro, pandakanga ndakarindira zvakanaka, zvakaipa zvakasvika; pandakatarisira chiedza, ipapo rima rakasvika.

27. Kumonyoroka kwoura hwangu hakumbomiri; mazuva okutambudzika anondivinga.

28. Ndinodzungaira ndichisvibiswa, asi kwete nezuva; ndinosimuka pakati peungano ndichichemera rubatsiro.

29. Ndava hama yamakava, neshamwari yamazizi.

30. Ganda rangu riri kusviba uye riri kufunuka; muviri wangu unopisa nefivha.

31. Mbira dzangu dzashanduka dzikava kuchema, uye nyere yangu yava inzwi rokuungudza.