Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Munhu akazvarwa nomukadzi ane mazuva mashoma azere nokutambudzika.

2. Anobuda seruva agosvava; anotiza somumvuri, haagari.

3. Ko, munotarira nameso enyu kumunhu wakadai here? Ko, muchamuuyisa kuzotongwa pamberi penyu here?

4. Ndianiko angabudisa chinhu chakanaka kubva pane chakaipa? Hakuna!

5. Mazuva omunhu akatarwa; makatema kuwanda kwemwedzi yake, mukamutarira miganhu yaasingagoni kudarika.

6. Naizvozvo regai kumutarisa uye musiye ari oga, kusvikira apedza nguva yake somunhu anoshanda.

7. “Asi kumuti kune tariro: Kana ukatemwa, unobukirazve, uye mabukira awo matsva haasvavi.

8. Midzi yawo ingava yakwegura hayo muvhu nehunde yawo yafa muvhu,

9. asi uchabukira pakunhuwira kwemvura ugobudisa matavi somuti uchangomera.

10. Asi munhu anofa agoradzikwa pasi; anofema kokupedzisira uye haazovipozve.

11. Sokupera kunoita mvura mugungwa, kana kupwa nokuoma kworwizi,

12. saizvozvo munhu anovata pasi asingazomuki; kusvikira matenga asisikozve, vanhu havazomukizve kana kumutswa pakuvata kwavo.

13. “Haiwa, dai mandiviga henyu muguva chete, uye mandiviga kusvikira kutsamwa kwenyu kwapfuura! Dai chete manditarira nguva, uye ipapo mugondirangarira!

14. Kana munhu akafa, angazoraramazve here? Mazuva ose okushanda kwangu kwakaoma, ndicharindira kusvikira kuvandudzwa kwangu kwasvika.

15. Muchadana uye ini ndichakupindurai; muchashuva chisikwa chamakaita namaoko enyu.

16. Zvirokwazvo muchaverenga nhambwe dzangu ipapo, asi musingarondi chivi changu.

17. Kudarika kwangu kuchasungirwa musaga; muchafukidzira chivi changu.

18. “Asi sokupfupfunyuka kunoita gomo rigoondomoka, uye sokubviswa kwedombo panzvimbo yaro,

19. semvura inochera mabwe, uye sokuyerera kwemvura zhinji inokukura ivhu, saizvozvo munoparadza tariro yomunhu.

20. Munomukunda kamwe chete zvachose, uye akasazovapo; munoshandura chiso chake mobva mamudzinga.

21. Kana vanakomana vake vachikudzwa, iye haazvizivi; kana vakamuninipisa, iye haazvioni.

22. Anongonzwa kurwadza kwomuviri wake chete, agozvichema iye pachake bedzi.”