Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.

2. Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.

3. Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.

4. Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.

5. Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa,

6. safiri inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,

7. Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.

8. Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.

9. Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara nokuisa midzi yamakomo pachena.

10. Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.

11. Anotsvakisisa panotangira nzizi nokubudisa zvinhu zvakavanzika pachena.

12. “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?

13. Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.

14. Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’

15. Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.

16. Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.

17. Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.

18. Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.

19. Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.

20. Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?

21. Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.

22. Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’

23. Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,

24. nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.

25. Paanosimbisa simba remhepo uye nokuyera mvura,

26. paanoita chirevo chemvura negwara romutinhiro wemheni,

27. ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.

28. Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’ ”