Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Jobho

1. Ipapo Jobho akapindura akati:

2. “Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye kungwara kuchafa nemi!

3. Asi neni ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?

4. “Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!

5. Vanhu vagere zvakanaka vanoshora vane nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.

6. Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura vamwari vavo mumaoko avo.

7. “Asi bvunzai mhuka, uye dzichakudzidzisai, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudzai;

8. kana taurai kunyika, ichakudzidzisai, kana hove dzegungwa ngadzikuzivisei.

9. Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?

10. Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.

11. Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?

12. Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?

13. “Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; mano nokunzwisisa ndezvake.

14. Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; munhu waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.

15. Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.

16. Simba nokukunda ndezvake; akanyengerwa nomunyengeri vose ndevake.

17. Anodzinga makurukota asina nguo nokuita kuti vatongi vave mapenzi.

18. Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo ndokusunga zviuno zvavo nomucheka.

19. Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.

20. Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.

21. Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.

22. Iye anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.

23. Iye anokurisa ndudzi, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, anodziparadzira.

24. Anotorera vatungamiriri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.

25. Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.