Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29
  30. 30
  31. 31
  32. 32
  33. 33
  34. 34
  35. 35
  36. 36
  37. 37
  38. 38
  39. 39
  40. 40
  41. 41
  42. 42

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Jobho 33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. “Asi zvino, Jobho, chinzwa mashoko angu; rerekera nzeve yako pane zvose zvandinoreva.

2. Ndava kuchizoshamisa muromo wangu; mashoko angu ari pamuromo worurimi rwangu.

3. Mashoko angu anobva pamwoyo wakarurama; muromo wangu uchataura chokwadi chandinoziva.

4. Mweya waMwari wakandiita; kufema kwaWamasimba Ose kunondipa upenyu.

5. Ndipindure zvino, kana uchigona; zvigadzirire ugotarisana neni.

6. Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.

7. Kutyisa kwangu hakungakuvhundutsi, uye ruoko rwangu harungakuremeri.

8. “Asi wakati ini ndichizvinzwa, ndakanzwa mashoko acho chaiwo,

9. ‘Ndakachena uye handina chivi; ndakanaka uye handina mhosva.

10. Asi Mwari awana mhosva neni; anonditi muvengi wake.

11. Anosunga makumbo angu nezvisungo; anocherechedza nzira dzangu dzose.’

12. “Asi ndinokuudza kuti pachinhu ichi hauna kururama, nokuti Mwari mukuru kukunda munhu.

13. Seiko uchimunyunyutira kuti haasi kupindura mashoko omunhu?

14. Nokuti Mwari anotaura zvino neimwe nzira, pane imwe nguva neimwe nzira, kunyange munhu asingazvioni.

15. Mukurota, uye muchiratidzo chousiku, hope huru padzinowira vanhu, pavanotsimwaira pamibhedha yavo,

16. angangotaura munzeve dzavo uye agovavhundutsa neyambiro zhinji,

17. kuti adzore munhu pakuita zvakaipa, uye nokuita kuti arege kuzvikudza,

18. kuti achengetedze mweya wake pagomba, uye kuti upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.

19. Kana kuti munhu angarangwa panhoo yokurwadziwa, achiramba achitambudzika mumapfupa ake,

20. saka upenyu hwake chaihwo hunosemburwa nezvokudya, uye mweya wake unosema zvokudya zvakaisvonaka.

21. Anoonda kusvikira apera, uye mapfupa ake, akanga asingaonekwi, zvino obuda kunze.

22. Mweya wake unoswedera kugomba, uye upenyu hwake kunhume dzorufu.

23. “Asi kana kurutivi rwake kuine mutumwa somurevereri, mumwe kubva pakati muchiuru, kuti audze munhu zvakamunakira,

24. kuti amunzwire tsitsi agoti, ‘Murwirei kuti arege kuenda kugomba; ndamuwanira dzikinuro,’

25. ipapo nyama yake inovandudzwa ikafanana neyomwana; inovandudzwa ikaita sapamazuva oujaya hwake.

26. Anonyengetera kuna Mwari agowana nyasha kwaari, anoona chiso chaMwari agopembera nomufaro; anodzoserwazve kururama kwake naMwari.

27. Ipapo anosvika kuvanhu agoti, ‘Ndakatadza, uye ndakaminamisa zvakanga zvakarurama, asi handina kuwana zvaindikodzera.

28. Akadzikinura mweya wangu pakupinda mugomba, uye ndichararama ndichifadzwa nechiedza.’

29. “Mwari anoita zvinhu zvose izvi kumunhu, kaviri, kunyange katatu,

30. kudzora mweya wake pakupinda mugomba, kuti chiedza choupenyu chivhenekere paari.

31. “Chinzwa, Jobho, uye urerekere nzeve dzako kwandiri; nyarara, uye ini ndichataura.

32. Kana unacho chokureva, ndipindure; taurisa, nokuti ndinoda kuti ururamisirwe.

33. Asi kana zvisakadaro, chinzwa zvino kwandiri; nyarara, uye ndichakudzidzisa uchenjeri.”