Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Dhavhidhi anova Mambo weIsraeri

1. VaIsraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni vakati, “Isu tiri nyama yenyu neropa renyu.

2. Kare kunyange Sauro paaiva mambo ndimi maitungamirira Israeri kundorwa. Uye Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Uchafudza vanhu vangu vaIsraeri uye uchava mutongi wavo.’ ”

3. Vakuru vose veIsraeri pavakauya kuna mambo Dhavhidhi paHebhuroni iye akaita sungano navo paHebhuroni pamberi paJehovha, uye vakazodza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri sezvakanga zvavimbiswa naJehovha kubudikidza naSamueri.

Dhavhidhi anokunda Jerusarema

4. Dhavhidhi navaIsraeri vose vakaenda kuJerusarema (ndiro Jebhusi). VaJebhusi vaigaramo

5. vakati kuna Dhavhidhi, “Hamuzopindi muno.” Kunyange zvakadaro Dhavhidhi akatapa nhare yeZioni, Guta raDhavhidhi.

6. Dhavhidhi akanga ati, “Achatungamirira kundorwisa vaJebhusi ndiye achava mukuru wavarwi.” Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye akatanga kuenda saka akapiwa utungamiri hwacho.

7. Dhavhidhi akagara munhare yeZioni, saka rakazodaidzwa kuti Guta raDhavhidhi.

8. Akavaka guta richipoteredza, kubva pamihomba yokutsigira kusvikira kurusvingo rwakanga rwakapoteredza, Joabhu achivaka patsva chimwe chikamu chose cheguta.

9. Uye Dhavhidhi akaramba achiva nesimba guru nokuti Jehovha Wamasimba Ose aiva naye.

Machinda aDhavhidhi

10. Ava ndivo vaiva vakuru pakati pavarume voumhare vaiva naDhavhidhi, avo pamwe chete neIsraeri yose, vakatsigira umambo hwake zvakasimba kuti husvike munyika yose sokuvimbisa kwakanga kwaita Jehovha.

11. Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.

12. Aimutevera ainzi Ereazari mwanakomana waDhodhai muAhohi mumwe wavarume voumhare vatatu.

13. Aiva naDhavhidhi paPasi Dhamimi vaFiristia pavakaungana ipapo kuzorwa. Pane imwe nzvimbo paiva nomunda wakanga uzere nebhari, varwi vakatiza vaFiristia.

14. Asi ivo vakaramba vamire pakati pomunda vakaurwira vakauraya vaFiristia uye Jehovha akaita kuti vakunde nokukunda kukuru.

15. Vatatu pakati pamakumi matatu avakuru vakaburukira kuna Dhavhidhi kuDombo pabako reAdhurami, uye hondo yavaFiristia yakanga yadzika matende muMupata weRefaimi.

16. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka rehondo yavaFiristia rakanga riri paBheterehema.

17. Dhavhidhi akanzwa nyota uye akati, “Haiwa, dai mumwe munhu ainondicherera mvura yokunwa kubva mutsime riri pedyo nesuo reBheterehema!”

18. Saka Vatatu ava vakapinda napakati pehondo dzavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema uye vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa akaidururira pasi pamberi paJehovha.

19. Dhavhidhi akati, “Mwari ngaandidzivise ndiregere kunwa izvi! Ndinganwa here ropa ravarume ava vaenda vachiisa upenyu hwavo panjodzi?” Nokuti vakaisa upenyu hwavo panjodzi kuti vadzoke vanayo, Dhavhidhi akaramba kuinwa. Aya ndiwo mamwe amabasa okukunda akaitwa navarume voumhare vatatu.

20. Abhishai munun'una waJoabhu akanga ari mukuru waVatatu Ava. Akasimudza pfumo rake kuti arwise varume mazana matatu, akavauraya, uye akava nomukurumbira saVatatu Vaya.

21. Akaremekedzwa zvakapetwa kaviri pamusoro paVatatu Vaya uye akaitwa mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengerwa pakati pavo.

22. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva murwi woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita mabasa, makuru. Akauraya mhare mbiri dzapamusoro dzavaMoabhu. Akapindawo mugomba mumwe musi kuine chando akauraya shumba.

23. Uye akauraya muIjipita akanga akareba makubhiti mashanua. Kunyange zvazvo muIjipita akanga akapakata pfumo rainge tsvimbo yomuruki muruoko rwake, Bhenaya akamurwisa netsvimbo. Akabvuta pfumo kubva muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.

24. Aya ndiwo aiva mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akaita mukurumbira savarume vatatu voumhare.

25. Akakudzwa nokuremekedzwa kukuru kupfuura Vaya Makumi Matatu, akanga asiri pakati paVatatu Vaya. Uye Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.

26. Varume voumhare vaiva: Asaheri munun'una waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema.

27. Shamoti muHarori, Herezi muPeroni,

28. Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa, Abhiezeri aibva kuAnatoti,

29. Sibhekai muHushati, Irai muAhohi,

30. Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,

31. Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBenjamini, Bhenaya muPiratoni,

32. Hurai aibva kuhova dzeGaashi, Abhieri muAribhati,

33. Azimavheti muBhaharumi, Eriabha muShaaribhoni,

34. vanakomana vaHashemi muGizoni, Jonatani mwanakomana waShage muHarari,

35. Ahiami mwanakomana waSaka muHarari, Erifari mwanakomana waUri,

36. Heferi muMekerati, Ahija muPeroni,

37. Heziro muKarimeri, Naarai mwanakomana waEzibhai,

38. Joere munun'una waNatani, Mibha mwanakomana waHagiri,

39. Zereki muAmoni, naHarai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhi mwanakomana waZeruya,

40. Ira muItiri, Garebhi muItiri,

41. Uria muHiti, Zabhadhi mwanakomana waArai,

42. Adhina mwanakomana waShiza muRubheni iye aiva mukuru wavaRubheni, navaya makumi matatu, vaaiva navo,

43. Hanani mwanakomana waMaaka, Joshafati muMitini,

44. Uzia muAshiterati, Shama naJeyeri vanakomana vaHotamu muAroeri,

45. Jedhieri mwanakonama waShimiri, munun'una wake Joha muTizi,

46. Erieri muMahavhi, Jeribhai naJoshavia vanakomana vaErinaami, muMoabhu,

47. Erieri, Obhedhi naJaasieri muMezobhai.