Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Vachengeti veMikova

1. Mapoka avachengeti vemikova aiva: Kubva kuvaKorati: Mesheremia mwanakomana waKore, mumwe wavanakomana vaAsafi.

2. Mesheremia aiva navanakomana vaiti: Zekaria dangwe, Jedhiaeri wechipiri Zebhadhia wechitatu, Jatinieri wechina,

3. Eramu wechishanu, Jehoanani wechitanhatu, naEriehoenai wechinomwe.

4. Obedhi-Edhomu aivawo navanakomana vaiti: Shemaya dangwe, Jehozabhadhi wechipiri, Joa wechitatu, Sakari wechina, Netaneri wechishanu,

5. Amieri wechitanhatu, Isakari wechinomwe naPeuretai wechisere (Nokuti Mwari akanga aropafadza Obedhi-Edhomu.)

6. Mwanakomana wake Shemaya aivawo navanakomana vaiva: vatungamiri mumhuri yababa vavo nokuti vaiva varume vaikwanisa.

7. Vanakomana vaShemaya vaiti: Otini, Refaeri, Obedhi naErizabhadhi; hama dzake Erihu naSemakia vaivawo varume vaikwanisa.

8. Vose ava vaiva zvizvarwa zvaObedhi-Edhomu, Ivo navanakomana vavo nehama dzavo vaiva varume vaikwanisa vaine simba rokuita basa, zvizvarwa zvaObhedhi-Edhomu, vaisvika makumi matanhatu navaviri pamwe chete.

9. Mesheremia aiva navanakomana nehama vakanga vari varume voumhare vaisvika gumi navasere pamwe chete.

10. Hosa muMerati aiva navanakomana vaiti: Shimiri wokutanga (kunyange zvake akanga asiri dangwe baba vake vakamuita wokutanga.)

11. Hirikia wechipiri, Tabharia wechitatu naZakaria wechina. Vanakomana nehama dzaHosa vaiva gumi navatatu vose pamwe chete.

12. Aya mapoka avachengeti vamasuo, kubudikidza navakuru vavo, vaiva nemabasa okushumira mutemberi yaJehovha, sezvaingoitawo hama dzavo.

13. Mijenya yakakandwa nokuda kwesuo rime nerimwe, maererano nemhuri dzavo, vadiki nevakuru pamwe chete.

14. Mijenya weSuo Rokumabvazuva wakawira pana Sheremia. Zvino mujenya yakakandwa nokuda kwomwanakomana wake Zekaria, mupi wamazano akachenjera uye mujenya weSuo Rokumusoro wakawira paari.

15. Mujenya weSuo Rezasi wakawira pana Obedhi-Edhomu, uye mujenya wedura wakawira kuvanakomana vake.

16. Mijenya yeSuo Rokumadokero neSuo reSharebeti kunzira yokumusoro yakawira kuna Shupimi naHosa. Murindi aimira parutivi rwomumwe murindi.

17. Kumabvazuva kwainge kuine vaRevhi vatanhatu pazuva, kurutivi rwokumusoro kuine vana pazuva, zasi kuine vana pazuva uye vaviri panguva imwe chete padura.

18. Kana rwuri ruvanze rwokumadokero kwaiva navana kunzira navaviri paruvanze chaipo.

19. Aya ndiwo aiva mapoka avachengeti vemasuo avo vaiva zvizvarwa zvaKora naMerari.

Vabati veHomwe yeMari naMamwe Machinda

20. Hama dzavo vaRevhi vaiva vachengeti vepfuma yomumba yaMwari nepfuma yezvinhu zvakakumikidzwa.

21. Zvizvarwa zvaRadhani, avo vaiva vaGerishoni kubudikidza naRadhani uye vaiva vatungamiri vemhuri dzaRadhani muGerishoni vaiti: Jehieri,

22. vanakomana vaJeheri, Zetami, nomunun'una wake Joere. Vaiva nebasa rokuchengeta pfuma yetemberi yaJehovha.

23. Kubva kuvaAmiramu, vaIzhari, vaHebhuroni navaUzieri:

24. Shubhaeri chizvarwa chaGerishoni mwanakomana waMozisi, ndiye aiva mukuru pakuchengetwa kwepfuma.

25. Hama dzake kubudikidza naEriezeri dzaiva: Rehabhia mwanakomana wake, Jeshaya mwanakomana wake, Joramu mwanakomana wake, Zikiri mwanakomana wake naSheromiti mwanakomana wake.

26. Sheromiti nehama dzake vaiva nebasa rokuchengetedza pfuma yose yezvinhu zvakakumikidzwa naMambo Dhavhidhi, navakuru vemhuri dzavo vaiva vatungamiri vezviuru navatungamiri vamazana uye navamwe vatungamiri.

27. Zvimwe zvezvakapambwa muhondo vakazvikumikidza kuti zvishandiswe pakugadziridza temberi yaJehovha.

28. Uye zvose zvakakumikidzwa naSamueri muoni naSauro naJoabhu mwanakomana waZeruya, nezvimwe zvinhu zvose zvakakumikidzwa zvaichengetwa naSheromiti nehama dzake.

29. Kubva kuvaIzhari: Kenania navanakomana vake vakapiwa mabasa ekure netemberi vari machinda navatongi muIsraeri.

30. Kubva kuvaHebhuroni: Hashabhia nehama dzake, varume chiuru namazana manomwe vaikwanisa ndivo vaiva vakuru muIsraeri kumadokero kweJorodhani pabasa rose raJehovha napabasa rose ramambo.

31. Kana vari vaHebhuroni, Jeria ndiye aiva mukuru wavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo dzemhuri dzavo maererano nezvinyorwa zvenhoroondo, uye varume pakatsvakwa muzvinyorwa zvenhoroondo, uye varume vaikwanisa vakawanikwa pakati pavaHebhuroni vakawanikwa paJazeri muGireadhi.

32. Jeria aiva nehama zviuru zviviri namazana manomwe vaiva varume vaikwanisa uye vari vakuru vemhuri dzavo, uye Mambo Dhavhidhi akavaita kuti vave vatariri vavaRubheni, vaGhadhi, norudzi rwehafu rwaManase kuti vagadzirise nyaya dzose dzezvaMwari uye nyaya dzose dzamambo.