Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Varwi vanobatana naDhavhidhi

1. Ava ndivo varume vakauya kuna Dhavhidhi paZikiragi achakavanda nokuda kwaSauro mwanakomana waKishi; uye ndivo vamwe vavarwi vakamubatsira muhondo.

2. Vakanga vapakata uta uye vaigona kupfura miseve nezvipfuramabwe noruoko rworudyi kana rworuboshwe; vaiva hama dzaSauro dzokurudzi rwaBenjamini.

3. Ahiezeri, mukuru wavo, naJoashi, vanakomana vaShemaya muGibheati; Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti; Bheraka, Jehu muAnatoti,

4. naIshimaya muGibheoni, aiva mhare pakati paMakumi Matatu; aiva mutungamiri waMakumi Matatu; Jeremia, Jahazieri, Johanani; Jozabadhi muGedherati,

5. Eruzai, Jerimoti, Bhearia, Shemaria naShafatia muHarufi;

6. Erikana, Ishiya, Azareri, Joezeri naJashobheami vaKorahi;

7. naJoera naZebhadhia vanakomana vaJehorami vaibva kuGedhori.

8. Vamwe vaGadhi vakazvitsaurawo vakaenda kwaiva naDhavhidhi kunhare yake kurenje. Vaiva varwi vakashinga, vakagadzirira kurwa uye vaigona kubata nhoo nepfumo. Zviso zvavo zvaiva zviso zveshumba, uye vaimhanya semharapara mumakomo.

9. Ezeri ndiye aiva mukuru, Obhadhia ari wechipiri, aiva Erizabhadhi wechipfumbamwe, Eriabhi ari wechitatu,

10. Mishimana wechina, Jeremia wechishanu,

11. Atai wechitanhatu, Erieri wechinomwe,

12. Johanani worusere, Erizabhadhi wechipfumbamwe,

13. Jeremia wegumi naMakibhanai wegumi nomumwe.

14. VaGadhi ava ndivo vaiva vatungamiriri vamauto, mudiki ainge akaenzana nezana, uye mukuru ainge akaenzana nechiuru.

15. Ivava ndivo vaya vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga parwainge rwakazara nokumahombekombe uye vakaita kuti vanhu vose vaigara mumipata, kumabvazuva nokumavirira, vatize.

16. Vamwe vaBenjamini navamwe varume vaibva kuJudha vakauyawo kuna Dhavhidhi munhare yake.

17. Dhavhidhi akaenda kundosangana navo akati kwavari, “Kana mauya kwandiri norugare, kuzondibatsira, ndakagadzirira kuti mubatane neni. Asi kana mauya kuzonditengesa kuvavengi vangu iwo maoko angu asina kuita zvechisimba, Mwari wamadzibaba edu ngaazvione uye akutongei.”

18. Ipapo Mweya wakauya pana Amasi mukuru waMakumi Matatu akati, “Haiwa Dhavhidhi, tiri vako! Haiwa mwanakomana waJese, tinewe! Kubudirira, kubudirira ngakuve kwauri, uye kubudirira ngakuve kuna vanokubatsira nokuti Mwari wako achakubatsira.” Saka Dhavhidhi akavagamuchira akavaita vatungamiri veboka ravarwi vake.

19. Vamwe varume vokwaManase vakabatana naDhavhidhi paakaenda navaFiristia kundorwisa Sauro. Iye navanhu vake havana kubatsira vaFiristia nokuti, vapedza kubvunzana, vatongi vavo vakamudzosa vakati, “Zvichatiurayisa kana akazotitiza akandobatana namambo wake Sauro.”

20. Dhavhidhi paakaenda kuZikiragi, ava ndivo vaiva varume vokwaManase vakabatana naye: Adhina, Jozabhadhi, Jedhieri, Mikaeri, Jozabhadhi, Erihu naZiretai, vatungamiri vezvikwata zvechiuru muna Manase.

21. Vakabatsira Dhavhidhi paairwisana namapoka amakororo, nokuti vose vakanga vari varwi vakashinga uye vaiva vatungamiri muhondo yake.

22. Zuva nezuva varume vakauya kuzobatsira Dhavhidhi kusvikira ava nehondo huru kwazvo, sehondo yaMwari.

Vamwe vanobatana naDhavhidhi paHebhuroni

23. Uku ndiko kuwanda kwavarume vakapakata zvombo kuti vandorwa, vakauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni kuti vatore umambo hwaSauro vahupe kwaari, sezvazvakanga zvarehwa naJehovha:

24. Varume vokwaJudha vakanga vakatakura nhoo namapfumo vaiva zviuru zvitanhatu namazana masere uye akapakata zvombo kuti vandorwa;

25. varume vokwaSimeoni, varwi vakanga vakagadzirira kundorwa vaiva zviuru zvinomwe nezana;

26. varume vokwaRevhi zviuru zvina namazana matanhatu,

27. pamwe chete naJehoyadha, mutungamiri wemhuri yaAroni aiva navarume zviuru zvitatu namazana manomwe,

28. naZadhoki, murwi wechidiki aiva akashinga, navakuru vamapoka makumi maviri navaviri kubva kumhuri yake;

29. varume vokwaBenjamini, hama dzaSauro vaiva zviuru zvitatu vazhinji vavo vakanga vamboramba vachitevera Sauro kusvikira musi uyu;

30. varume vokwaEfuremu varwi vakashinga vaiva nomukurumbira kwazvo kumhuri dzavo vaiva zviuru makumi maviri namazana masere;

31. varume vokurudzi rwehafu rwaManase vakadanwa namazita avo kuti vauye vazogadza Dhavhidhi umambo vaiva zviuru gumi nezvisere;

32. varume vokwaIsakari vainzwisisa nguva uye vaiziva kuti Israeri yaifanira kuitei, vaiva vakuru mazana maviri nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo;

33. varume vokwaZebhuruni, varwi vaiziva, vakanga vakagadzirira kurwa nezvombo zvemhando dzose, vakauya kuzobatsira Dhavhidhi nomwoyo wakaperera, vaiva zviuru makumi mashanu;

34. varume vokwaNafutari vaiva chiuru chavakuru vamapoka, pamwe chete nezviuru makumi matatu nezvinomwe zvavarume vakanga vakatakura nhoo namapfumo;

35. varume vokwaDhani, vakanga vakagadzirira kurwa, zviuru makumi maviri nezvisere namazana matanhatu;

36. varume vokwaAsheri, vakanga vane unyanzvi hwokurwa uye vakagadzirira kurwa, vaiva zviuru makumi matanhatu;

37. uye kubva kumabvazuva aJorodhani, varume vokwaRubheni, Gadhi norudzi rwehafu rwaManase vakanga vakapakata zvombo zvemhando dzose, vaiva zviuru zana namakumi maviri.

38. Ava vose vaiva varume vokurwa vakazvipira kundorwa. Vakauya paHebhuroni vakagadzirira zvizere kuzogadza Dhavhidhi kuti ave mambo weIsraeri. Vamwe vaIsraeri vose vaiva nomwoyo mumwe chete wokuti vaite Dhavhidhi mambo.

39. Varume vakagara mazuva matatu ipapo vaina Dhavhidhi vachidya nokunwa nokuti mhuri dzavo dzainge dzavavigira zvokudya.

40. Uyewo, vavakidzani vavo vokure kwazvo kunyange kwaIsakari, kwaZebhuruni nokwaNafutari vakauya nezvokudya zviri pambongoro, ngamera, mahesera nenzombe. Pakanga paine zvokudya zvizhinji kwazvo zvaiti upfu, makeke amaonde, makeke amazambiringa akaoma, waini, mafuta, nzombe, namakwai nokuti mufaro wakanga uripo pakati peIsraeri.