Aya ndiwo mazita avarume voumhare vaiva naDhavhidhi: Jashobheami, muHakimoni, aiva mukuru wamachinda ehondo; akasimudza pfumo rake akarwa navarume mazana matatu, avo vaakauraya pakurwisana panguva imwe chete.