Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.

2. Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.

3. Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwi nekeke ramazambiringa akaoma.

4. Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:

5. Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira

6. uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.

Pisarema raDhavhidhi roKuvonga

7. Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:

8. Vongai Jehovha, danai kuzita rake;zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.

9. Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.

10. Zvirumbidzei muzita rake dzvene;mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.

11. Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;tsvakai chiso chake nguva dzose.

12. Rangarirai zvishamiso zvaakaita,zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.

13. Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake,haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.

14. Ndiye Jehovha Mwari wedu;mitongo yake iri munyika yose.

15. Anorangarira sungano yake nokusingaperi,shoko raakarayira,kwechiuru chamarudzi.

16. Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.

17. Akasimbisa kuna Jakobho somutemo,kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:

18. “Kwauri ndichapa nyika yeKenani,sechikamu chenhaka yako.”

19. Pavakanga vari vashoma,vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,

20. vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe,kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.

21. Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire;nokuda kwavo akatuka madzimambo.

22. “Musabata vazodziwa vangu;musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”

23. Imbirai Jehovha, pasi pose;paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.

24. Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi,mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.

25. Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa;anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.

26. Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo,asi Jehovha akasika matenga.

27. Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake;simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.

28. Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,

29. ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake;namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

30. Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunutswi.

31. Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pamarudzi, “Jehovha anotonga!”

32. Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri;minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.

33. Ipapo miti yesango ichaimba,ichaimba nomufaro pamberi paJehovha,nokuti anouya kuzotonga nyika.

34. Vongai Jehovha nokuti akanaka;rudo rwake runogara nokusingaperi.

35. Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,kuti tigovonga zita renyu dzvenekuti tifarisise mukukurumbidzai.”

36. Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.

37. Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.

38. Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhuruni naHosa vaiva vatariri vamasuo.

39. Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni

40. kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.

41. Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”

42. Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.

43. Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.