Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Mapoka aVaprista

1. Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naIthamari.

2. Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.

3. Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.

4. Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.

5. Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.

6. Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.

7. Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya,

8. wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi,

9. wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini,

10. wechinomwe kuna Jakozi, wechisere kuna Abhija,

11. wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania,

12. wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi,

13. wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi,

14. wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kunaImeri,

15. wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi nesere kuna Hapizezi,

16. wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri,

17. wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,

18. wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.

19. Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.

Vamwe vaRevhi vose

20. Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.

21. Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.

22. Kubva kuva Izhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.

23. Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.

24. Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.

25. Munun'una waMika: Ishi; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.

26. Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.

27. Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.

28. Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.

29. Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.

30. Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.

31. Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.