Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24
  25. 25
  26. 26
  27. 27
  28. 28
  29. 29

Testamende Yekare

Testamende Itsva

1 Makoronike 18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kukunda kwaDhavhidhi

1. Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akakunda vaFiristia akavaisa pasi pake, uye akavatorera Gati nemisha yakaripoteredza kuti ribve pasi poruoko rwavaFiristia.

2. Dhavhidhi akakundawo vaMoabhu, uye vakava pasi pake, vakamuvigira mutero.

3. Pamusoro pezvo Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri mambo weZobha kusvikira kuHamati, paakaenda kundosimbisa kutonga kwake achitevedza Rwizi Yufuratesi.

4. Dhavhidhi akapamba chiuru chengoro dzake, vachairi vengoro zviuru zvinomwe navarwi vetsoka zviuru makumi maviri. Akadimbura marunda amakumbo amabhiza ose kusara kwezana ramabhiza engoro.

5. VaAramu veDhamasiko pavakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya zviuru makumi maviri nezviviri zvavo.

6. Akaisa mapoka avarwi vake muumambo hwavaAramu veDhamasiko, uye vaAramu vakava pasi pake uye vakamuvigira mutero. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.

7. Dhavhidhi akatora nhoo dzegoridhe dzaiva dzakatakurwa navatungamiri vehondo yaHadhadhezeri akaenda nadzo kuJerusarema.

8. Kubva kuTebha nokuKuni, maguta aHadhadhezeri, Dhavhidhi akatora ndarira zhinji, yakazoshandiswa naSoromoni kugadzira gungwa rendarira, nembiru uye nezvimwe zvinhu zvakasiyana-siyana zvakazogadzirwa nendarira.

9. Tou mambo weHamati paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga akunda hondo yose yaHadhadhezeri mambo weZobha,

10. akatuma mwanakomana wake Hadhorami akauya nezvinhu zvamarudzi ose zvegoridhe nesirivha nendarira.

11. Mambo Dhavhidhi akakumikidza zvipo izvi kuna Jehovha sezvaakanga aita nesirivha negoridhe, zvaakanga atora kubva kundudzi idzi dzose dzaiti: Edhomu, Moabhu, vaAmoni, vaFiristia neAmareki.

12. Abhishai mwanakomana waZeruya akauraya vaEdhomu zviuru gumi nezvisere muMupata weMunyu.

13. Akaisa mapoka avarwi muEdhomu uye vaEdhomu vose vakava pasi poutongi hwaDhavhidhi. Jehovha akapa Dhavhidhi kukunda kwose kwose kwaakaenda.

Machinda aDhavhidhi

14. Dhavhidhi akatonga Israeri achiita zvose zvakarurama uye zvakanaka kuvanhu vake vose.

15. Joabhu mwanakomana waZeruya aitungamirira hondo; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo;

16. Zadhoki mwanakomana waAhitubhi naAhimereki mwanakomana waAbhiatari vaiva vaprista; Shavhisha akanga ari munyori;

17. Bhenaya mwanakomana waJehoyada aitungamirira vaKereti navaPereti; uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva machinda makuru parutivi pamambo.