Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kuzvarwa kwaJesu

1. Mumazuva iwayo Kesari Ogasito akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe.

2. Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria.

3. Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa.

4. Saka Josefawo akakwira achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari weimba yaDhavhidhi noworudzi rwake.

5. Akaenda ikoko kundonyoresa naMaria, waakanga atsidzira kuzowanana naye uye akanga ava napamuviri.

6. Vachiri ikoko, nguva yokuzvarwa kwomwana yakasvika,

7. akazvara dangwe rake, mwanakomana. Akamuputira nemicheka akamuisa muchidyiro chezvipfuwo, nokuti muimba yavaeni makanga musisina nzvimbo yavo.

Vafudzi naVatumwa

8. Uye kwakanga kuna vafudzi vakanga vachigara kumafuro aiva pedyo naikoko, vachichengeta makwai avo usiku.

9. Mutumwa waShe akazviratidza kwavari, uye kubwinya kwaJehovha kwakavakomba, uye vakatya kwazvo.

10. Asi mutumwa akati kwavari, “Musatya. Ndauya nenhau dzakanaka dzomufaro mukuru uchava wavanhu vose.

11. Nhasi muguta raDhavhidhi mazvarwa Muponesi; ndiye Kristu Ishe.

12. Ichi ndicho chichava chiratidzo kwamuri: Muchawana mwana akaputirwa nemicheka uye avete muchidyiro chezvipfuwo.”

13. Pakarepo hondo huru yokudenga yakaonekwa pamwe chete nomutumwa vachirumbidza Mwari vachiti:

14. “Mwari ngaarumbidzwe kumusoro-soro,uye rugare panyika nokuvanhu vaanofarira.”

15. Vatumwa vakati vabva kwavari uye vaenda kudenga, vafudzi vakataurirana vachiti, “Handei kuBheterehema tindoona chinhu chaitika ichi, chataudzwa nezvacho naShe.”

16. Saka vakakurumidza kusimuka vakaenda vakandowana Maria naJosefa, nomwana, akanga avete muchidyiro chezvipfuwo.

17. Vakati vamuona, vakaparadzira shoko maererano nezvakanga zvataurwa pamusoro pomwana uyu,

18. uye vose vakazvinzwa vakashamiswa nezvavakataurirwa navafudzi.

19. Asi Maria akachengeta zvinhu zvose izvi akazvifungisisa mumwoyo make.

20. Vafudzi vakadzokera vachikudza nokurumbidza Mwari pamusoro pezvinhu zvose zvavakanga vanzwa uye zvavakaona, zvakanga zvakangoita sezvavakanga vataurirwa.

Jesu anokumikidzwa muTemberi

21. Pazuva rorusere, nguva yokudzingiswa kwake yasvika, akatumidzwa zita rokuti Jesu, zita raakanga apiwa nomutumwa asati aumbwa mudumbu.

22. Nguva yokuzvinatsa kwavo maererano noMurayiro waMozisi yakati yakwana, Josefa naMaria vakaenda naye kuJerusarema kundomukumikidza kuna She

23. (sezvazvakanyorwa muMurayiro waShe, kuti “Mwanakomana wose wedangwe anofanira kutsaurirwa kuna She”)

24. uye kuti vabayire chibayiro maererano nezvinorehwa muMurayiro waShe zvichinzi: “njiva mbiri kana hangaiwa duku mbiri.”

25. Zvino kwakanga kuno murume aiva muJerusarema ainzi Simeoni, akanga akarurama uye aida Mwari. Akanga akamirira kunyaradzwa kwavaIsraeri, uye Mweya Mutsvene waiva pamusoro pake.

26. Zvakanga zvaratidzwa naMweya Mutsvene kuti haaizofa asati aona Muzodziwa waShe.

27. Iye akapinda mutemberi achisundwa noMweya Mutsvene. Vabereki vakati vauya nomwana Jesu kuti vazoita kwaari tsika yaidiwa noMurayiro,

28. Simeoni akamubata mumaoko ake akarumbidza Mwari achiti:

29. “Ishe Tenzi, sezvamakavimbisa,zvino chiendesai henyu muranda wenyu norugare.

30. Nokuti meso angu aona ruponeso rwenyu,

31. rwamakagadzirira pamberi pavanhu vose,

32. chiedza chinovhenekera vaHedheniuye nokukudzwa kwavanhu venyu Israeri.”

33. Baba namai vomwana vakashamiswa nezvakataurwa pamusoro pake.

34. Ipapo Simeoni akavaropafadza akati kuna Maria, mai vake, “Mwana uyu achaita kuti kuve nokuwa nokumutswa kwavazhinji muIsraeri, uye achava chiratidzo chicharambwa,

35. kuitira kuti ndangariro dzemwoyo mizhinji dzigoratidzwa. Uye munondo uchabayawo mwoyo wako pachako.”

36. Kwaivawo nomuprofitakadzi, Ana, mwanasikana waFanueri, worudzi rwaAsheri. Akanga akwegura kwazvo; akanga ambogara makore manomwe nomurume wake shure kwokuwanikwa kwake,

37. ipapo akazova chirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere namana. Haana kumbobva mutemberi asi akanamata usiku namasikati, achitsanya nokunyengetera.

38. Akasvika pavari panguva iyoyo, akavonga Mwari uye akataura pamusoro pomwana kuna vose vakanga vakamirira kudzikinurwa kweJerusarema.

39. Josefa naMaria vakati vaita zvose zvaidikanwa noMurayiro waShe, vakadzokera kuGarirea kuguta ravo reNazareta.

40. Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.

Jesu paTemberi

41. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusarema kuMutambo wePasika.

42. Akati ava namakore gumi namaviri, vakakwira naye kuMutambo, maererano netsika yavo.

43. Mutambo wakati wapera, vabereki vake pavakanga vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara muJerusarema, asi ivo vakanga vasingazvizivi.

44. Vakafamba kwezuva rose vachifunga kuti akanga ari pakati pavo. Ipapo vakatanga kumutsvaka pakati pehama neshamwari dzavo.

45. Vakati vamushayiwa, vakadzokera kuJerusarema kundomutsvaka.

46. Mushure mamazuva matatu vakamuwana ari mutemberi, akagara pakati pavadzidzisi achivateerera nokuvabvunza mibvunzo.

47. Mumwe nomumwe akamunzwa akashamiswa nokunzwisisa kwake uye nemhinduro dzake.

48. Vabereki vake vakati vamuwana, vakashamiswa kwazvo. Mai vake vakati kwaari, “Mwana, waitireiko zvakadai kwatiri? Baba vako neni tanga tichikutsvaka kwazvo.”

49. Iye akati, Manga muchinditsvakireiko? “Manga musingazivi here kuti ndaifanira kunge ndiri mumba mababa vangu?”

50. Asi havana kunzwisisa zvaaireva kwavari.

51. Ipapo akaburuka navo kuNazareta uye akavateerera. Asi mai vake vakachengeta zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo.

52. Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, uye achidiwa naMwari uye navanhu.