Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ipapo ungano yose yakasimuka ikaenda naye kuna Pirato.

2. Uye vakatanga kumupomera mhosva, vachiti, “Takawana munhu uyu achitsausa rudzi rwedu. Haabvumirani nokuripa mutero kuna Kesari uye anozviti ndiye Kristu, mambo.”

3. Saka Pirato akabvunza Jesu achiti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?”Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamareva.”

4. Ipapo Pirato akati kuvaprista vakuru navanhu vazhinji, “Handiwani hwaro hwemhosva inopomerwa murume uyu.”

5. Asi ivo vakaramba vachiti, “Anomutsa vanhu nedzidziso yake muJudhea rose. Akatanga kuGarirea uye atosvika kwose kuno uku.”

6. Anzwa izvi, Pirato akabvunza kuti murume uyu akanga ari muGarirea here.

7. Akati anzwa kuti Jesu akanga ari pasi poutongi hwaHerodhi, akabva amutumira kuna Herodhi, uyo aivawo muJerusarema panguva iyoyo.

8. Herodhi akati achiona Jesu, akafara zvikuru, nokuti akanga achishuva kumuona kwenguva refu. Kubva pane zvaakanga ambonzwa nezvake, ainge achitarisira kuti amuone achiita zvishamiso.

9. Akamubvunza mibvunzo mizhinji, asi Jesu haana kumupindura.

10. Vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro vakanga vamire ipapo, vachinyanya kumupomera mhosva.

11. Ipapo Herodhi navarwi vake vakamuzvidza uye vakamuseka. Vakamupfekedza nguo youmambo, vakamudzosera kuna Pirato.

12. Musi uyo, Herodhi naPirato vakava shamwari, kare kwavo, vakanga vachimbovengana.

13. Pirato akaunganidza vaprista vakuru, vatongi, navanhu,

14. akati kwavari, “Mauyisa munhu uyu kwandiri somunhu anomutsa vanhu kuti vamukire hurumende. Ndanyatsomuongorora pamberi penyu uye ndashaya hwaro hwemhosva yamunomupomera.

15. Kunyange naHerodhi, nokuti amudzosa kwatiri; sezvamunoona, haana kuita chinhu chingafanira kutongerwa rufu.

16. Naizvozvo, ndichamurova ndigomuregedza.”

17. (Nokuti aifanira kuvasunungurira mumwe munhu pamutambo.)

18. Vose pamwe chete vakadanidzira vachiti, “Murume uyu ngaafe! Tisunungurirei Bharabhasi!”

19. (Bharabhasi akanga aiswa mujeri nokuda kwebope raakanga amutsa muguta, uye nemhaka yokuuraya.)

20. Sezvaakanga achida kusunungura Jesu, Pirato akataurazve navo.

21. Asi ivo vakaramba vachidanidzira vachiti, “Murovererei! Murovererei!”

22. Akati kwavari kechitatu, “Sei? Murume uyu atadzeiko? Handina kuwana mhosva yokuti atongerwe rufu paari. Naizvozvo, ndichaita kuti arohwe ndigomusunungura.”

23. Asi vakaramba vachidanidzira nenzwi guru vachiti aifanira kurovererwa pamuchinjikwa, uye kudanidzira kwavo kukakunda.

24. Saka Pirato akatonga kuti zvavakakumbira zviitwe.

25. Akasunungura murume akanga aiswa mujeri nokuda kwebope uye nokuuraya, uyo wavakanga vakumbira, ndokubva avapa Jesu kuti vaite zvavanoda naye.

Kurovererwa kwaJesu

26. Vakati voenda naye, vakabata murume ainzi Simoni weKurini, uyo akanga achibva muruwa, vakamutakudza muchinjikwa ari mushure maJesu.

27. Vanhu vazhinji zhinji vakamutevera, pamwe chete navakadzi vakanga vachichema uye vachiungudza.

28. Jesu akatendeuka akati kwavari, “Vanasikana veJerusarema, musandichema ini; zvichemei imi navana venyu.

29. Nokuti nguva ichasvika iyo yamuchati, ‘Vakaropafadzwa vakadzi vasingabereki, izvo zvizvaro zvisina kumbobereka, namazamu asina kumboyamwisa!’

30. Ipapo“vachati kumakomo, ‘Wirai pamusoro pedu!’nokuzvikomo, ‘Tifukidzei!’

31. Nokuti kana vanhu vachiita zvinhu izvi pamuti munyoro, chiiko chichaitika kune wakaoma?”

32. Vamwezve varume vaviri, vose vakanga vari mbavha, vakatorwawo pamwe chete naye kuti vandourayiwa.

33. Vakati vasvika panzvimbo yainzi Dehenya, vakamuroverera ipapo, pamwe chete nembavha, mumwe kurudyi rwake, mumwe kuruboshwe rwake.

34. Jesu akati, “Baba, varegererei, nokuti havazivi zvavari kuita.” Vakagovana nguo dzake vachikanda mijenya.

35. Vanhu vakamira vakatarira, uye kunyange vatongi vakamuseka. Vakati, “Akaponesa vamwe; ngaazviponese iye pachake kana ari Kristu waMwari, iye Musanangurwa.”

36. Varwi vakasvikawo vakamuseka. Vakamupa waini yevhiniga

37. vakati, “Kana uri mambo wavaJudha, chizviponesa.”

38. Pamusoro pake pakanga pane chiziviso chakanga chakanyorwa kuti: UYU NDIYE MAMBO WAVAJUDHA.

39. Mumwe wembavha dzakanga dzakarembera pamwe chete naye akamutuka achiti, “Ko, ndiwe Kristu here? Zviponese ugoponesa nesuwo!”

40. Asi imwe mbavha yakamutsiura ikati, “Hautyi Mwari here iwe, sezvo uri pakutongwa kumwe cheteko?

41. Isu tiri kutongwa zvakarurama, nokuti tiri kupiwa zvakafanira mabasa edu. Asi munhu uyu haana chakaipa chaakaita.”

42. Ipapo akati, “Jesu, mundirangarirewo pamunenge masvika muumambo hwenyu.”

43. Jesu akamupindura akati, “Zvirokwazvo ndinoti kwauri, nhasi uchava neni muparadhiso.”

Kufa kwaJesu

44. Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu, rima rikava pamusoro penyika yose kusvikira panguva yepfumbamwe,

45. nokuti zuva rakamira kuvhenekera. Uye chidzitiro chetemberi chakabvarurwa napakati.

46. Jesu akadanidzira nenzwi guru achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Akati ataura izvi, akabudisa mweya wake.

47. Mukuru wezana, akati achiona zvakanga zvaitika, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo uyu anga ari munhu akarurama.”

48. Vanhu vose vakanga vakaungana kuzopupura chiitiko ichi, vakaona zvakanga zvaitika, vakazvirova zvipfuva zvavo uye vakadzokera.

49. Asi vakanga vachimuziva, pamwe chete navakadzi vakanga vamutevera vachibva kuGarirea, vakamira nechokure, vakatarisa zvinhu zvose izvi.

Kuvigwa kwaJesu

50. Zvino kwakanga kuno mumwe murume ainzi Josefa, nhengo yedare ramakurukota, munhu akanga akanaka uye akarurama,

51. uyo akanga asina kubvumirana navo pakuronga kwavo uye nokuita kwavo. Aibva kuguta ravaJudha reArimatea uye akanga akamirira umambo hwaMwari.

52. Asvika kuna Pirato, akakumbira mutumbi waJesu.

53. Ipapo akauburutsa, akauputira nomucheka akauisa muguva rakanga racherwa paruware, rakanga risina kumbovigwa munhu.

54. Rakanga riri zuva rokugadzirira, uye Sabata rakanga rava kuda kutanga.

55. Vakadzi vaya vakanga vauya naJesu vachibva kuGarirea vakatevera Josefa vakaona guva uye kuti mutumbi wake wakanga waradzikwa sei mariri.

56. Ipapo vakaenda kumba vakandogadzira zvinonhuwira namafuta anonhuwira. Asi vakazorora nomusi weSabata vachiteerera murayiro.