Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Tendeukai, kana kuti muchaparara

1. Zvino panguva iyoyo vamwe vaivapo vakaudza Jesu nezvavaGarirea vakanga vavhenganisirwa ropa ravo nezvibayiro zvavo naPirato.

2. Jesu akapindura akati, “Munofunga kuti vaGarirea ava vakanga vari vatadzi zvakanyanya kupfuura vose here zvavakatambudzika nenzira iyi?

3. Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.

4. Kana vaya gumi navasere vakafa pavakawirwa neshongwe yeSiroami, munofunga kuti vakanga vane mhosva kukunda vamwe vose vaigara muJerusarema here?

5. Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mose muchaparara.”

6. Ipapo akavaudza mufananidzo uyu akati, “Mumwe murume akanga ane muti wake womuonde wakanga wakasimwa mumunda wake wemizambiringa, akaenda achindotsvaka muchero kwauri, asi haana chaakawana pauri.

7. Saka akati kumurume akanga achichengeta munda wemizambiringa, ‘Zvino ava makore matatu andanga ndichiuya kuzotsvaka muchero pamuonde uyu uye handisati ndambowana chinhu. Utemere pasi! Seiko uchishandisa ivhu pasina?’

8. “Akapindura akati, ‘Ishe, chimbouregai henyu kwerimwezve gore, ini ndigoutimbira nokuuyisa mupfudze.

9. Kana ukazobereka muchero gore rinouya, zvakanaka! Kana usina, ipapo mungautema henyu.’ ”

Mukadzi Chirema anoporeswa nomusi weSabata

10. Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata,

11. uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka.

12. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masununungurwa pachirwere chenyu.”

13. Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari.

14. Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.”

15. Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, uye achienda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here?

16. Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?”

17. Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.

Mufananidzo weMbeu yeMasitadhi noweMbiriso

18. Ipapo Jesu akavabvunza achiti, “Umambo hwaMwari hwakaita seiko? Ndingahuenzanisa neiko?

19. Hwakaita setsanga yemasitadhi, yakatorwa nomunhu akandoisima mubindu rake. Yakakura ikava muti mukuru, uye shiri dzedenga dzakauya dzikamhara mumatavi awo.”

20. Akabvunzazve akati, “Umambo hwaMwari ndingahufananidza neiko?

21. Hwakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaivhenganisa noupfu hwefurau hwakawanda kusvikira yafutisa ganyiwa.”

Musuo Wakamanikana

22. Ipapo Jesu akafamba nomumaguta nomumisha achidzidzisa paakanga achienda kuJerusarema.

23. Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?”Iye akati kwavari,

24. “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.

25. Muridzi wemba akangodzimara asimuka akapfiga mukova, imi muchamira kunze muchigogodza uye muchiteterera, muchiti, ‘Ishe, tizarurireiwo mukova.’“Asi achapindura achiti, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva.’

26. “Ipapo muchati, ‘Taidya uye tainwa pamwe chete nemi, uye maidzidzisa munzira dzomumisha yedu.’

27. “Asi iye achati, ‘Handikuzivei, kana kwamunobva. Ibvai kwandiri, imi mose vaiti vezvakaipa!’

28. “Ipapo pachava nokuchema, nokurumanya kwameno, pamunoona Abhurahama, Isaka naJakobho navaprofita vose vari muumambo hwaMwari, asi imi pachenyu marasirwa kunze.

29. Vanhu vachabva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi, uye vachagara pazvigaro zvavo pamabiko muumambo hwaMwari.

30. Zvirokwazvo, varipo vaya vokupedzisira vachazova vokutanga, uye vokutanga vachazova vokupedzisira.”

Jesu anosuwa pamusoro peJerusarema

31. Panguva iyoyo vamwe vaFarisi vakauya kuna Jesu vakati kwaari, “Ibvai pano muende kumwewo. Herodhi anoda kukuurayai.”

32. Akapindura akati, “Endai munoudza gava iro kuti, ‘Ndichadzinga madhimoni nokuporesa vanhu nhasi namangwana, uye pazuva retatu ndichapedzisa basa rangu.’

33. Zvisinei hazvo, ndinofanira kuramba ndichishanda mangwana nezuva rinotevera, nokuti zvirokwazvo hakuna muprofita angafira kunze kweJerusarema!

34. “Iwe Jerusarema, Jerusarema, iwe unouraya vaprofita uye uchitaka namabwe avo vakatumwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako pamwe chete, sehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo, asi ukaramba!

35. Tarira, imba yako yasiyiwa yava dongo. Ndinoti kwauri, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa iye anouya muzita raShe.’ ”