Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Kumuka kwaJesu

1. Nomusi wokutanga wevhiki, mambakwedza, vakadzi vaya vakatora zvinonhuwira zvavakanga vagadzira vakaenda kuguva.

2. Vakawana ibwe rakungurutswa kubva paguva,

3. asi vakati vapinda, vakashayiwa mutumbi waIshe Jesu.

4. Pavakanga vachiri kushamisika nazvo, pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena dzaipenya semheni vakamira parutivi pavo.

5. Mukutya kwavo, vakadzi vaya vakakotama pasi nezviso zvavo, asi varume ava vakati kwavari, “Seiko muchitsvaka mupenyu pakati pavakafa?

6. Haapo pano; amuka! Rangarirai zvaakakuudzai, paakanga achinemi muGarirea kuti:

7. ‘Mwanakomana woMunhu anofanira kuiswa mumaoko avatadzi, arovererwe pamuchinjikwa agomukazve pazuva rechitatu.’ ”

8. Ipapo vakarangarira mashoko ake.

9. Vakati vadzoka kubva kuguva, vakataurira vane gumi nomumwe zvinhu zvose izvi, uye nokuna vamwe vose.

10. VanaMaria Magadharena, naJohana, Maria mai vaJakobho, uye navamwe vavaiva navo ndivo vakandoudza vapostori izvozvo.

11. Asi havana kutenda vakadzi ava, nokuti mashoko avo ainge upenzi kwavari.

12. Zvisinei hazvo, Petro, akasimuka, akamhanyira kuguva. Akakotama, akaona micheka iri yoga, ndokubva adzokera kumba, achishamisika mumwoyo make nezvakanga zvaitika.

Jesu anosangana naVadzidzi muNzira inoenda kuEmausi

13. Zvino musi mumwe chete iwoyo, varume vaviri vakanga vachienda kumusha wainzi Emausi, makiromita anenge gumi nerimwe chete kubva kuJerusarema.

14. Vakanga vachitaurirana pamusoro pezvinhu zvose zvakanga zvaitika.

15. Vachiri kutaura nokukurukurirana pamusoro pezvinhu izvi, Jesu pachake akabva asvika uye akafamba navo;

16. asi meso avo akabatwa zvokuti havana kumuziva.

17. Akavabvunza akati, “Muri kukurukurirana pamusoro peiko, zvamuri kufamba kudai?”Vakamira vakanyarara, zviso zvavo zvakasuwa.

18. Mumwe wavo ainzi Kiropasi, akati kwaari, “Ndiwe woga mushanyi muJerusarema asingazivi zvinhu zvakaitikamo mumazuva ano aya here?”

19. Jesu akati, “Zveiko?”Vakapindura vachiti, “ZvaJesu weNazareta. Aiva muprofita, aiva nesimba mushoko napamabasa pamberi paMwari uye nokuvanhu vose.

20. Vaprista vakuru navatongi vedu vakamuendesa kuti andotongerwa rufu, saka vakamuroverera pamuchinjikwa;

21. asi isu takanga tichitarisira kuti ndiye akanga achizodzikinura vaIsraeri. Pamusoro paizvozvo, ratova zuva rechitatu kubvira pazvakaitika.

22. Uyezve vamwe vakadzi vokwedu vatishamisa. Vaenda kuguva nhasi mambakwedza

23. asi havana kuwana mutumbi wake urimo. Vauya vakatiudza kuti vaona chiratidzo chavatumwa, avo vati iye mupenyu.

24. Ipapo dzimwe shamwari dzedu dzaenda kuguva dzikawana zviri izvo chaizvo zvanga zvataurwa navakadzi vaya, asi iye havana kumuona.”

25. Iye akati kwavari, “Haiwa imi vokusanzwisisa, uye vane mwoyo inononoka kutenda zvose zvakarehwa navaprofita!

26. Ko, Kristu akanga asingafaniri kutambudzika pazvinhu izvi agozopinda mukubwinya kwake here?”

27. Ipapo akatanga naMozisi navaprofita vose, akavatsanangurira zvakanyorwa pamusoro pake mumagwaro.

28. Kuzoti vava kusvika mumusha mavakanga vachienda, Jesu akaita sokunge oda kupfuurira.

29. Asi vakamugombedzera zvikuru vachiti, “Garai nesu, nokuti kwava kudoka; zuva rava kuvira.” Saka akapinda kuti andogara navo.

30. Akati agara navo patafura, akatora chingwa, akavonga, akachimedura akatanga kuvapa.

31. Ipapo meso avo akasvinudzwa vakamuziva, akabva anyangarika pamberi pavo.

32. Vakabvunzana vachiti, “Ko, mwoyo yedu yanga isingapisi neiko mukati medu zvaanga achitaura nesu mumugwagwa uye achitizarurira magwaro?”

33. Vakasimuka panguva iyoyo vakadzokera kuJerusarema. Ikoko, vakandowana vane gumi nomumwe navamwe vavaiva navo, vakaungana pamwe chete

34. uye vachiti, “Ichokwadi! Ishe amuka uye azviratidza kuna Simoni.”

35. Ipapo vaviri ava vakataura zvakanga zvaitika munzira, uye kuti vakaziva sei Jesu paakamedura chingwa.

Jesu anozviratidza kuVadzidzi

36. Pavakanga vachiri kutaura pamusoro pazvo, Jesu pachake akasvikomira pakati pavo akati, “Rugare ngaruve nemi.”

37. Vakavhunduka uye vakatya, vachifunga kuti vaona mweya.

38. Iye akati kwavari, “Munotambudzika neiko, uye seiko kukahadzika kuchimuka mupfungwa dzenyu?

39. Tarisai maoko angu netsoka dzangu. Ndini iye! Ndibatei muone; mweya hauna nyama namapfupa, sezvamunoona ndinazvo ini.”

40. Akati areva izvi, akavaratidza maoko ake netsoka dzake.

41. Uye pavakanga vachigere kutenda nokuda kwomufaro uye vachishamiswa, akavabvunza akati, “Mune chokudya here pano?”

42. Vakamupa chimedu chehove yakagochwa,

43. uye akatora akaidya pamberi pavo.

44. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvandaikuudzai ndichinemi kuti: Zvinhu zvose zvakanyorwa pamusoro pangu muMurayiro waMozisi, naVaprofita nomuMapisarema zvinofanira kuzadziswa.”

45. Ipapo akazarura ndangariro dzavo kuti vanzwisise Magwaro.

46. Akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakanyorwa kuti: Kristu achatambudzika agomuka kuvakafa pazuva rechitatu,

47. uye kuti kutendeuka nokuregererwa kwezvivi kuchaparidzirwa kumarudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.

48. Imi muri zvapupu zvezvinhu izvi.

49. Ndichakutumirai chipikirwa chakavimbiswa naBaba; asi imi garai muguta kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.”

Kukwidzwa kwaJesu kudenga

50. Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza.

51. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.

52. Ipapo vakamunamata ndokubva vadzokera kuJerusarema nomufaro mukuru.

53. Uye vakaramba vari mutemberi, vachirumbidza Mwari nguva dzose.