Zvitsauko

  1. 1
  2. 2
  3. 3
  4. 4
  5. 5
  6. 6
  7. 7
  8. 8
  9. 9
  10. 10
  11. 11
  12. 12
  13. 13
  14. 14
  15. 15
  16. 16
  17. 17
  18. 18
  19. 19
  20. 20
  21. 21
  22. 22
  23. 23
  24. 24

Testamende Yekare

Testamende Itsva

Ruka 20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

Vanobvunza kuti simba raJesu rinobvepi

1. Nerimwe ramazuva paakanga achidzidzisa vanhu mutemberi uye achiparidza vhangeri, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, pamwe chete navakuru, vakasvika kwaari.

2. Vakati kwaari, “Tiudzei kuti munoita zvinhu izvi nesimba ripi? Ndiani akakupai simba iri?”

3. Akapindura akati, “Neniwo ndichakubvunzai mubvunzo. Ndiudzei,

4. ‘Rubhabhatidzo rwaJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?’ ”

5. Vakataurirana pakati pavo vakati, “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ iye achati, ‘Seiko musina kumutenda?’

6. Asi kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ vanhu vose vachatitaka namabwe, nokuti vanotenda kuti Johani akanga ari muprofita.”

7. Saka ivo vakazoti, “Hatizivi kuti rwakabvepi.”

8. Jesu akati, “Neniwo handichakuudzei simba randinoita naro zvinhu izvi.”

Mufananidzo waVarimi Vakaipa

9. Akaenderera mberi akaudza vanhu mufananidzo uyu akati, Mumwe murume akadyara munda wake wemizambiringa, akaupa kuna vamwe varimi kwechinguva achibva aenda kure kune imwe nyika kwenguva refu.

10. Panguva yokukohwa, akatuma muranda kuvarimi kuti vamupe zvimwe zvezvibereko zvemizambiringa. Asi varimi vakamurova vakamuendesa asina chinhu.

11. Akatumazve mumwe muranda, asi naiyewo vakamurova uye vakamuitira zvinonyadzisa ndokumudzosazve asina chinhu.

12. Akatumazve mumwe wechitatu, uyu vakamukuvadza ndokumukanda kunze.

13. “Ipapo muridzi womunda wemizambiringa akati, ‘Ndichaita seiko? Ndichatuma mwanakomana wangu, iye wandinoda; zvimwe vachamuremekedza.’

14. “Asi varimi vakati vachimuona, vakataurirana pachavo vakati, ‘Uyu ndiye mudyi wenhaka. Ngatimuurayei nhaka igova yedu.’

15. Saka vakamubudisa mumunda wemizambiringa ndokubva vamuuraya.“Zvino muridzi womunda womuzambiringa achaitei kwavari?

16. Achauya agouraya varimi avo agopa vamwe varimi munda womuzambiringa.” Vanhu vakati vanzwa izvozvo, vakati, “Dai zvakadai zvikasatomboitika!”

17. Jesu akavatarisisa uye akavabvunza akati, “Zvino zvakanyorwa zvinoreveiko zvinoti:“ ‘Ibwe rakarambwa navavaki ndiro razova musoro wekona’?

18. Mumwe nomumwe anowira padombo iroro achavhunika-vhunika asi uyo warinowira achapwanyiwa.”

19. Vadzidzisi vomurayiro navaprista vakuru vakatsvaka nzira yokumusunga pakarepo, nokuti vaiziva kuti akanga ataura mufananidzo uyu pamusoro pavo. Asi vakanga vachitya vanhu.

Kuripa Mitero kuna Kesari

20. Vakaramba vachimucherechedza, vakatuma vasori, vakanga vachinyepedzera kuva vakatendeka. Vakanga vane tariro yokuti vamubate iye Jesu pachinhu chaanenge ataura kuitira kuti vagomuisa kusimba noutongi hwomubati.

21. Saka vasori vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura uye munodzidzisa zvakarurama, uye kuti hamusi mutsauri wavanhu asi munodzidzisa nzira yaMwari zviri maererano nezvokwadi.

22. Ko, zvakanaka here kuti tiripe mutero kuna Kesari kana kuti kwete?”

23. Akaona kunyengera kwavo akati kwavari,

24. “Ndiratidzei dhenari. Ko, mufananidzo norunyoro zviripo ndezvaani?”

25. Vakapindura vakati, “NdezvaKesari.”Iye akati kwavari, “Ipai Kesari zvaKesari uye mugopa Mwari zvaMwari.”

26. Vakanga vasingagoni kumuteya nezvaakanga ataura ipapo pane vanhu. Vakashamiswa nokupindura kwake, vakanyarara.

Kumuka kwaVakafa noKuwanana

27. Vamwe vaSadhusi, vanoti hakuna kumuka kwavakafa, vakauya nomubvunzo kuna Jesu.

28. Vakati, “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana mukoma womunhu akafa akasiya mukadzi asina vana, murume anofanira kuwana chirikadzi iyo amutsire mukoma wake vana.

29. Zvino pakanga pane vanakomana vanomwe. Wokutanga akawana mukadzi, akafa asina mwana.

30. Wechipiri akamuwana uye akafa asina mwana.

31. Uye wechitatu akamuwana, uye nenzira imwe cheteyo, vose vari vanomwe vakafa, vachisiya pasina vana.

32. Pakupedzisira, mukadzi akafawo.

33. Zvino mukadzi uyu achava waaniko pakumuka kwavakafa sezvo akanga ari mukadzi kwavari vose vari vanomwe?”

34. Jesu akapindura akati, “Vanhu venyika ino vanowana nokuwanikwa.

35. Asi vaya vanoonekwa kuti vakakodzera kurarama munyika iyo nomukumuka kwavakafa, havazowani kana kuwanikwa,

36. uye havazofizve; nokuti vafanana navatumwa. Vana vaMwari, sezvo vari vana vokumuka kwavakafa.

37. Asi panhoroondo yegwenzi, kunyange naMozisi akaratidza kuti vakafa vanomutswa, nokuti anoti, Ishe ndiye ‘Mwari waAbhurahama, naMwari waIsaka, uye naMwari waJakobho.’

38. Haasi Mwari wavakafa, asi wavapenyu, nokuti kwaari vose vapenyu.”

39. Vamwe vadzidzisi vomurayiro vakati, “Mataura zvakanaka, mudzidzisi!”

40. Uye hakuna akazoda kumubvunzazve mimwe mibvunzo.

Kristu Mwanakomana waani?

41. Ipapo Jesu akati kwavari, “Seiko vachiti Kristu Mwanakomana waDhavhidhi?

42. Dhavhidhi pachake anotaura mubhuku raMapisarema achiti:“ ‘Ishe akati kuna She wangu:Gara kuruoko rwangu rworudyi

43. kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.’

44. Dhavhidhi anomuti, ‘Ishe.’ Anogova mwanakomana wake seiko?”

45. Vanhu vose vachakateerera, Jesu akati kuvadzidzi vake,

46. “Chenjererai vadzidzisi vomurayiro. Vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu, uye vachifarira kukwaziswa pamisika, nokuva nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge uye nenzvimbo dzinokudzwa pamabiko.

47. Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye kuti vaonekwe, vanoita minyengetero mirefu, Vanhu vakadai vacharangwa zvakaomarara kwazvo.”